Accessibility links

Breaking News

VOA Inoti Inomira neNyaya Yayo Pamusoro peBurkina Faso Apo Nyika Iyi Inombomisa Kushanda kweVOA neBBC/Africa


Nhepfenyuro yeVoice of America yambomiswa kushanda muBurkina Faso
Nhepfenyuro yeVoice of America yambomiswa kushanda muBurkina Faso

Burkina Faso yambomisa kutepfenyurwa kwezvirongwa zvenhepfenyuro dzeVoice of America neBBC/Africa munyika iyi zvichitevera kuburitswa kwenyaya dziri pamusoro pegwaro reHuman Rights Watch iro riri kupomera mauto ehurumende yeBurkina Faso mhosva dzekutyora kodzero dzevanhuwo zvavo munyika iyi.

Kanzuru yepamusorosoro inoona nezvekufambiswa kwemashoko, yeSuperior Council of Communication, nemusi weChina yakamisa kuburitswa zvakare kwenyaya idzi uye zvirongwa zvenhepfenyuro dzekunze idzi kwemasvondo maviri.

Mukana wekupinda pamadandemutande eBBC, VOA neHuman Rights Watch wakabva wavharwawo mukati meBurkona Faso.

Mukutepfenyura kwayo nyaya yegwaro reHuman Rights Watch, VOA yakaedza kunzwa mativi evakuru vakuru veBurkina Faso vakawanda asi haina kuwana mhinduro.

VOA inomira nenyaya yayo yayakaburitsa pamusoro peBurkina Faso uye inotarisira kuramba ichienderera mberi kuburitsa zvinenge zvichiitika munyika iyi zvizere zvisina kwayakarerekera.

Burkina Faso, iyo iri kutongwa nemauto, mumwedzi ichangodarika yakamisa kushanda mamwe masangano enhau anobva kumawirira, kusanganisira nhepfenyuro dzeterevhizheni dzekuFrance dzinoti LCI neFrance24; nhepfenyuro dzerhedhiyo dzinoti Radio France Internationale, nemapepanhau anoti Le Monde ne Jeune Afrique.

Burkina Faso ndeimwe yenyika dzekumawirira kweAfrica dzine chitsama dziri mudunhu re Sahel, kusanganisira Mali neNiger, dzanga dzichimisa kusimuka kwevanopfurikidza mwero vechi Islam.

Mauto akabvuta masimba muna 2022, achipomera hurumende mhosva yekutadza kuparadza vechi Islam vakapandukira nyika iyi muna 2015.

Forum

XS
SM
MD
LG