Accessibility links

Breaking News

Mabiko eVatori veNhau neMutungamiri weAmerica Otarisirwa Kuitwa neMugovera Manheru


UMutungamiri weAmerica VaJoe Biden vari kutarisirwa kuita mabiko nevatori venhau pamwe nevanoita zvemitambo.
UMutungamiri weAmerica VaJoe Biden vari kutarisirwa kuita mabiko nevatori venhau pamwe nevanoita zvemitambo.

Muna Kubvumbi wega wega mutungamiri wenyika yeAmerica nevatori venhau vepamuzinda weWhite House vanoita mabiko ekunyombana nechinangwa chekusetsana.

Mabiko eWhite House aya anopindwa nevanhu vane mukurumbira vakawanda, anopa mukana wekunan’ganidza mashanduriro anoita mutungamiri wenyika uye matauriro kuvanhu vaanenge achiita.

Ndipo vakanakisisa--vanonakidza nekuyevedza—vanosangana nevasinganakidze--vemitemo nezvematongerwo enyika uye matongerwo enyika.

Vatori venhau ndivo vanotungamira hurongwa uhu asi shasha chaidzo ari mutungamiri wenyika nevamwe vanoita basa rekusetsa vanhu muhupenyu hwavo vanenge vasarudzwa kuti vauye kuzofadza vanhu.

Dzimwe nguva mutungamiri wenyika ndiye anenge achiita basa rekusetsa vanhu, sezvakaita vaive mutungamiri wenyika, VaRonald Reagan, muna 1986, pavakati, “Ndinomboshorwa ndichinzi ndinoita zvimwe zvinhu ndisina kusuma dare reCongress. Saka chii chashamisa apa? Zvinhu zvakawanda zvinongovadarika wani vari mudare iri vasina kana ruzivo nazvo.”

Gungano remabiko ekudya kudya kwemanheru remuna Kubvumbi iri rinopa mukana vanhu kuti vaseke zvinoitwa nemutungamiri wenyika iye achipindurawo kuvatori venhau ava nevamwe vavanenge vakoka. Vakokwa ava vanosanganisira vanoita zvemafirimu kuHollywood nevamwe vane mukurumbira.

Mumwe anosetsa vanhu, Trevor Noah.
Mumwe anosetsa vanhu, Trevor Noah.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vanozvisekawo pamusoro pekukwegura kwavo, vachiti, “Kunyangwe vanhu vachitaura nezvangu, ini ndinotenda mukuvandudzwa kekutanga kwebumbiro remitemo renyika kunopa vanhu kodzero dzekutaura zvavanoda kana kutevera chitendero chavanoda. Hakusi kungoti shamwari yangu Jimmy Madison ndiye akanyora bumbiro iri”

Sezvo rino riri gore resarudzo, VaBiden vari kutarisirwa kutaura nezvewavari kukwikwidzana navo musarudzo yemutungamiri wenyika. Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Amai Martha Joynt Kumar, vanoti, “Ndinofunga kuti dingindira remutungamiri wenyika rinenge riri rehutongo hwejekerere uye zvimhingamupinyi zvahwakatarisana nazvo pari zvino.”

Mabiko aya itsika yeAmerica inoteverwa nemutungamiri wenyika ega ega. Asi muna 1981, mutungamiri wenyika VaRonald Reagan havana kukwanisa kupinda muhurongwa hwacho sezvo vainge vari muchipatara vachirapwa mushure mekukuvadzwa vachida kuurayiwa.

Kubva makore aya vatungamiri vese vanga vachienda kumabiko aya kunze kwaVaDonald Trump, avo vasina kubvira vaenda kwemakore mana ose avakatungamira nyika.

Muzvare Kumar, vanoti, “Ndinofunga hazvisi zvinhu zvavaida havo kuita.”

VaTrump vanonzi vanogona kunge vakatora danho iri mushure memabiko akaitwa muna 2011 apo vainyombwa nevaive mutungamiri wenyika VaBarack Obama nemumwe anoita zvekusetsa vanhu, Seth Meyers, uyo akati, “Donald Trump anogara achiti ari kuda kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika achimirira maRepublicans, izvi zvinoshamisa nekuti ndaifunga kuti achakwikwidza sechiseko chenyika.

Ukuwo, vaimbova mutungamiri weAm

Vaive mutungamiri weAmerica VaBarack Obama nemutungamiri weAmerica VaJoe Biden.
Vaive mutungamiri weAmerica VaBarack Obama nemutungamiri weAmerica VaJoe Biden.

erica, VaBarrack Obama, vakati, “Hapana munhu ari kufarisa kuti nyaya yegwaro rekuberekwa iyi ipere kudarika iye Donald. Nekuda kwekuti anokwanisa kudzokera kunotarisa nyaya dzakakosha, sekuti takanyepa here kuti takamhara pamwedzi?”

Vamwe vanoti kusekwa uku ndiko kwakatopa VaTrump chidokwa dokwa chekuti vapinde musarudzo yemutungamiri wenyikaizvo VaTrump vanoramba.

Vatungamiri venyika vakawanda vanotora mukana uyu kunyomba vatori venhau asi vachitorawo mukana uyu kuvarumbidza.

VaBiden vakati, “Kutorwa kwenhau kwakasununguka musimboti weveruzhinji, kwete muvengi, zvikuru sei munyika dzekuti vatori venhau vakanyomba mutungamiri wenyika vanokandwa mujeri, sezvakataurwawo nemumwe anoita zvekusetsa vanhu, Trevor Noah, makore maviri adarika akati, “Munonzwisisa here kuti zvinodadisa sei? Kuti ndamira pano ndichiita dambe nemutungamiri wenyika yeAmerica ndisingagume ndapinda munyatwa. Asi hapana zvandichaitwaka, handiti?”

Kukosha kwehutongo hwejekerere nekutorwa kwenhau kwakasununguka zvichange zvichiratidzwa zvakare muWashington DC Mugovera uno manheru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko awa abva kuna Carolyn Presutti, we VOA uye maaverengerwa Tanonoka Whande.

Forum

XS
SM
MD
LG