Accessibility links

Breaking News

VaTrump naVaBiden Vanonzi Havasi Kubuda Pachena kuVavhoti paNyaya yeKushandiswa kweMbanje Zviri paMutemo


AP Poll Biden Trump Issues
AP Poll Biden Trump Issues

Mbanje ndechimwe chezvinhu chinobatanidza vanhu muAmerica inova nyika isina kubatana panyaya dzezvematongerwo enyika. Ongororo dziri kuitwa dzinoratidza kuti vanhu zvikamu makumi masere nevasere kubva muzana muAmerica vanoda kuti mbanje ishandiswe zviri pamutemo.

Asi vari kuda kuti mbanje ibvumidzwe kushandiswa zviri pamutemo vanoti pane vaviri vari kutungamira musarudzo yemutungamiri wenyika hapana ari kuda kutora mukana wekushanduka kwepfungwa dzevanhu pakubvumidzwa kuputa mbanje zviri pamutemo kuti awane rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vanhu zvikamu makumi manomwe nemashanu kubva muzana muAmerica vanogara mumatunhu anobvumidzwa kushandiswa kwembanje. Vamwe zvikamu makumi mashanu kubva muzana vanogara mumatunhu anobvumidzwa kuputwa kwembanje mukutandara. Asi pamutemo wenyika, mbanje haibvumidzwe ichiiswa muboka rimwechete nezvimwe zvinodhaka zviine njodzi huru kuhutano hwemunhu zvakaita seheroin ne LSD.

Masngano ari kukuti kuputwa kwembanje kuve mutemo wenyika anoti kuwanda kwevanhu vari kuda kuti izvi zviitwe kunnyanya vechidiki kunovapa chivimbo chekuti vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika VaJoe Biden naVaDonald Trump vachatambira kurudziro iyi.

VaScotty Smart vanova murongi wemabasa musangano renew George Project vanoti, “Vanhu vakawanda havanzwisisi mutemo. Vanhu vakawanda havanzwisisi kuti mitemo inobata sei hupenyu hwavo hwezuva nezuva. Ndinofunga kuti mbanje inyaya inosimudza nekufadza vechidiki kuti vateerere.”

Kumusangano weNational Cannabis Festival and Washington Policy wakaitwa kutanga kwemwedzi uno, vakavamba sangano iri Muzvare Caroline Phillips vakati pakati paVaBiden naVaTrump hapana ati abuda pachena kuti anotsigira kuti bumbiro remutemo wenyika rivandudzwe. Vati, “ Kune vaviriri ava chatinoziva ndechekuti ndechekuti vose vane nhorrondo yekusabuda pachena pavamire panyaya yekubvumidza kushandiswa kwembanje. Takavimbiswa zvakawanda nehurumende dzavo asi hapana chakabuda.”

Muhurumende yaVaBiden, bazi rezvehutano rakakurudzira kuti mbanje isaiswe pane zvinodhaka zvinoiswa muchikamu chinopihwa zvirango zvakamarara kune vanenge vabatwa vachizvitengesa kana kuzvishandisa. Asi izvi hazvina zvazvinobatsira. Panotoda kuti padzikwe mutemo wekuti zvishandiswe zviri pamutemo.

Muzvare Phillips vanoenderera mberi vachiti, “Gwara reWhite House panyaya yekushandiswa kwembanje harina kujeka.Vanombotipa chivimbo chekuti vachavandudza mutemo asi hapa zvaitwa kuzadzikiswa zvivimbiso zvavo.”

Muna 2018, vaive mutungamiri wenyika panguva iyi VaDonald Trump vakati vaikwanisa kutsigira danho rekuti mbanje ishandiswe zviri pamutemo. Asi mutemo uyu hauna kana kumbozeyiwa ukapera kudare reparamende reCongress.

VaTrump vakaudza Newsmax TV kuti pane tsvakiridzo dzinoratidza kuti mbanje inogona kukanganisa hutano hwevanhu asi vakatiwo panyaya dzekutsvaga mavhoti inyaya yakanaka chose. Muzvare Phillips vanoti, “Panyaya yembanje, VaTrump havanyatobude pachena . Takambovanzwavachiti vanhu vanotengesa zvinodhaka ngavasungwe kana kutongerwa rufu. Ndozvimwe zvinotyisa zvavakataura. Asi tinombovaona vachiregerera vanhu vakasungwa vabatwa nemhosva dzine chekuita nembanje.

Asi mafungiro evanhu panyaya yekushandiswa kwembanje ave kuchinja sezvo tiochiona kuti tsvakiidzo yakaitwa nesangano reGallup gore rapera inoratidza kuti vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzana vanotsigira kuti mbanje ishandiswe zviri pamutemo. Uhu huwandu hwakapetwa kaviri pane vanhu vaitsigira izvi mugore ra2000.

VaMorgan Fox vesangano reNational Organization for the Reform of Marijuana, “Iyi inyaya yakakosha zvikuru kuvavhoti, kunyaya vechidiki, munhu anoda kuwana vatsigiri vakawanda musarudzo yemutungamiri wenyika, mudare reCongress kana mumakanzuru nematunhu, Vakasada kutaura nezvenya iyi zvichapa kuti vashaye rutsigiro.

Vavhoti vechidiki vakawanda vari kuda kuti mbanje ibvumidzwe vari kuvimba kuti hurumende yaVaBiden itore matanho sarudzo dzemuna Mbudzi dzisati dzasvika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa naScott Sterns weVOA, maiverengerwa na Tanonoka Whande

Forum

XS
SM
MD
LG