Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhengo yeKomiti yeParamende, VaMdzivanyika, Vanoti Havaoni seChokwadi Kuti ZiG Yakatsigirwa neZvicherwa neMari yeKunze


Mari itsva yeZiG
Mari itsva yeZiG

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemari uye vachimirira Mbizo mudare reparamende, VaCorban Madzivanyika vebato reCCC, vanoti zvichitevera musangano waitwa nekomiti yavo nagavhuna veR-B-Z, VaJohn Mushayavanhu, zvabuda pachena kuti manyepo kuti mari itsva ye inotsigirwa nezvicherwa zvakakosha pamwe nemari yekunze.

VaMadzivanyika vanoti pabvunzwa VaMushayavanhu kuti zvinogoneka here kuti munhu kana akabata ZiG yake anogona kungopinda mubhanga achitenga mari yekuAmerica, gavhuna vati izvozvo hazvisati zvave kukwanisa kuitika vachiti iye zvino vachiri kumbotsigira vanotenga zvinhu kunze kwenyika.

Vanoti izvozvo zvega zvabva zvaratidza pachena kuti manyepo kuti mari iyi yakatsigirwa.

Panyaya yemusika mutema uko kunonzi dhora rekuAmerica rave kutengeswa nema ZiG ari pakati pemakumi nemakumi maviri nematatu, VaMadzivanyika vanoti gavhuna vavavimbisa kuti zvinopfuura sezvo zviri zvenguva pfupi.

Hatina kukwanisa kubata VaMushayavanhu kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Gavhuna veReserve Bank, VaJohn Mushayavanhu.
Gavhuna veReserve Bank, VaJohn Mushayavanhu.

NeMuvhuro gavhuna Mushayavanhu vanonzi vakakundikana kusangana nevemabhizimusi kuti vapindurewo mibvunzo yavo pamusoro pemari itsva iyi, asi vemabhzimusi ava vanonzi vakazosangana nemakomiti eparamende ayo vakaudza kuti dai mapurisa ambomira kusunga vemakambani nekuti zvinogona kutonyanya kukanganisa hupfumi hwenyika.

Izvi zvinotevera kusungwa kwemakambani gumi nerimwe achipomerwa mhosva yekutyora mutemo wezvemari. Ukuwo, vanhu vanosvika makumi matanhatu nevashanu vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekuchinja mari zvisiri pamutemo vachiri muhusungwa vamwe vachitarisirwa kumira pamberi pedare mangwana, vamwe neChishanu kuchitiwo vamwe musi wa 2 mwedzi unoya.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano revemabhizimusi, re Confederation of Zimbabwe (CZI), Doctor Callisto Jokonya, vanoti nhoroondo yemusika mutema inoratidza kuti yave nenguva iripo, zvichireva kuti haugone kungomuka wapedzwa nematanho ari kutorwa nehurumende ekusunga vari kuchinja mari ava kana kusungwa makambani.

Asi vanoti zvavo iyo hurumende inofanirwa kubuda nenzira dzinochengetedza huremu hwedhora remunyika dzinoshanda kuitira kuti mari iyi iwane chiremera.

VaRejoice Ngwenya.
VaRejoice Ngwenya.

Vanoongorora zvehupfumi vachitungamira sangano re Coalition for Market and Liberal Solutions [COMALISO] Zimbabwe, VaRejoice Ngwenya, vanoti veruzhinji havangati gavhuna mutsva akundikana muzvirongwa zvake sezvo chirongwa chemari itsva chichangotanga.

Sekukumbira kwakaitwa naVaMushayavanhu kuti veruzhinji vavabatsire nepfungwa dzekuvaka nadzo hupfumi, veruzhinji vari kuti zvavo kuti ZiG ive mari ine chiremera, hurumende inofanirwa kuona kuti ndiyo mari iri kutungamidzwa mberi pese panoda kubhadharwa munyika.

Veruzhinji vanoti mari itsva iyi inofanirwa kutambirwa kubhadhara magwaro ekufambisa (passports), mari dzinobhadharwa kumatare edzimhosva (fines) uye kutenga mafuta edzimotokari nezvimwe.

Veruzhinji vanoti kana mari itsva iyi yakaita zvose izvi, havanonoki kuitsigira uye vachamira nayo.

Kwasara mazuva manomwe chete kuti eZiG, iyo inove yemapepa neyendarama itange kushanda munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG