Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano Akazvimirira Oga Okurudzira Kuti Nyika dzemuSADC Dzibatsirwe neChikafu


s
s

Masangano anoona nezvechikafu munyika dziri kuchamhembe kweafrica ari kukurudzira nyika dzakabudirira uye vanopa rubatsiro kuti vaite chimbi chimbi kubatsira nyika dzemuSADC dzakatarisana nenzara inotyisa gore rino.

Nyika dzine nzara dzinosanganisira Zimbabwe, Malawi, Botswana, Mozambique neZambia. Masangano akasangana muSouth Africa nezuro kupa kuridziro iyi anosanganisira reFood, Agriculture and Natural Resources Policy Analysis Network, Human Science Research Council, National Agricultural Marketing Council uye Agriculture Research Council.

Asi nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti kuwana zvekudya gore rino kwakaoma sezvo sangano rinopa rubatsiro reWorld Food Programme riri kuti vanhu vanosvika mamiriyoni mazana matatu nemapfumbame kana kuti 309 million vari kuda chikafu gore rino munyika makumi manomwe nembiri dzepasi rino.

Nyanzvi munyaya dzekurima vari mukuru wesangano reCoalition of Agriculture Graduates of Zimbabwe, VaDickson Kubvakacha audza Studio 7 kuti vanotenda masangano aya vachiti ichokwadi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Vakurudzira vanopfuya mombe kuti vatengese dzimwe kuitira kuti vasarasikirwe nepfuma yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG