Accessibility links

Breaking News

Danho reHurumende reKuda Kudzora 'Youth Service' Rokonzera Mutauro


l
l

Zvichitevera mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vhiki radarika, ekuti chirongwa cheNational Youth Service chinofanira kudzoswa, vechidiki vapa miono yakasiyana pamusoro pehurongwa uhwu, vamwe vachiti hwakanaka, asi vamwe vachiti hwakaipisisa.

Vachitaura pamhemberero dzekuwana kuzvitonga kuzere kwaMurambinda svondo rapera, VaMnangagwa vakati, "Ndinozviziva kuti chirongwa ichi changa chakamirirwa kwenguva yakareba." Vakaenderera mberi vachiti, " Ndinovimba kuti chichabatsira vechidiki kuti vave vanhu vanoda nyika yavo uye vachaishandira kuti ibudirire."

Chirongwa cheNational Youth Service chakavambwa mugore ra2000, nedonzvo rainzi raive rekudzidzisa vechidiki mibato yemaoko kuti vagowanawo mikana yekuzvipundutsa, uyewo kuti vagone kuda nekuchengetedza nyika yavo. Chaitungamirwa nemushakabvu Border Gezi vaive gurukota rezvevechidiki uye Kamba yekutanga yainge iri kuMount Darwin.

Asi vechidiki vakapinda muchirongwa ichi mumakore aya vaizivikanwa nekunzi maGreen Bomber, sezvo vaipfeka mayunifomu eruvara rweGreen, vakazoita mbiri yekushungurudza veruzhinji, kunyanya vemapato ezvematongerwo enyika aipikisa, kubudikidza nemhirizhonga, vachinzi vaishandiswa nebato reZanu PF.

Zvichitevera kusarongeka kwechirongwa ichi, uyewo kushaika kwezvikwanisiro zvekuchitsigira, chakabva chambomiswa.

Mumwe wechidiki anogara muHarare, Peter Matangi, anowirirana naVaMnangagwa pakuti National Youth Service idzokezve munyika.

"Inobatsira pakuti vechidiki vanzwisise kwakabva nyika yedu uyewo kuti zvii zvavanofanira kuita kuti nyika ienderere mberi." VaMatangi vaudza Studio 7. Vatiwo, "Saka sevechidiki, chinhu chatamirira nemaziso matsvuku, kuti chirongwa ichi chidzoke zvekare."

Asi pane vechidiki vakafanana naVaTakudzwa Ngadziore vanova nhengo yedare reparamende yeCCC, vanoti kudzosa National Youth Service, kudzosa kudzvanyirirwa kweveruzhinji. VaNgadziore vati, "Munozviziva kuti pakauya chirongwa ichi kwakava nekushungurudzwa kwevabereki, kunyanya kumaruwa" Vatizzve, "Hurumende irikuda kudzosa kumbunyikidzwa kwevanhu, asi zvinodiwa nevechidiki mikana yekuzvisimudzira kuitira kuti remangwana ravo rejeke."

Muno muAfrica mune nyika dzakaita seKenya, Namibia neNigeria dzine chirongwa chakafanana neichochi, chinonzi ndechekubatsira vechidiki nenzira dzinovawanisa mikana yekuzvisimudzira.

Gore rino richangotanga, hurumende yeZimbabwe yakazivisa kuti pachasvika mwedzi waChikumi wegore rino, chirongwa cheNational Youth Service chinofanira kunge chaparurwa, uye vechidiki mazana manomwe nemakumi mashanu, ndivo vachatanga kudzidziswa.

Mumwe wechidiki, Rumbidzai Mpofu anoti kudzoka kweNational Youth Service kuchabatsira kuti vechidiki vawane mabasa. Muzvare Mpofu vati, "Vechidiki vakawanda vaperera mukuputa nekumwa zvinodhaka, ndiko saka hurumende yaVaMnangagwa yaona zvakakodzera kuti iwanise vechidiki mimwe mikana yekuti vakwanise kuwana chouviri vakazvimirira." Vaendeerera mberi vachiti, "Vose vachapinda muchirongwa ichi vanenge vaine basa rekuvaka nyika yavo, sezvinogara zvichitaurwa nemutungamiri wenyika, VaMnangagwa. Saka ndinoti chirongwa ichi chakanaka chose."

Asi anoshanda nevechidiki uye ari kusangano reHeal Zimbabwe Trust, Tapiwanashe Chiriga anoti dziripo dzimwe nzira dzinogona kubatsirwa nadzo vechidiki, pasina kudzosa National Youth Service.

"Hurumende irikuti inoda kudyara mhodzi yekuda nyika mune vechidiki, uyewo kuti vakwanise kudzidzira mabasa emaoko, asi izvi zvinogona kuitwa kuchishandiswa zvikoro zvagara zviripo zvinodzidzisa zvinhu izvi." VaChiriga vaudza Studio 7. Vatiwo, "Mari yekutanga National Youth Service inogona kutoshandiswa kuita zvimwewo, sezvo nyika iine matambudziko akati wandei, kusanganisira nzara. Asi kana kuri kuti yauya, ngaiuye iri mumutemo watakamirira weNational Youth Act, umo munofanira kutsetsenurwa mashandiro eService iyoyi."

Vanoongorora nyaya dzevechidiki, uye vakambotungamira vechidiki vebato reMDC raitungamirwa namushakabvu, Morgan Tsvangirai, VaLovemore Chinoputsa, vanoti National Youth Service inofanira kuuya yakachinja, kuitira kuti igamuchirike. VaChinoputsa vati, "Chirongwa ichi chakanaka chikaitwa nenzira kwayo, isiri yekuda kumbunyikidza veruzhinji." Vatiwo, "Tinotarisira kuti Youth Service iuye ichiitirwa vechidiki vese, pasina rusarura, ivadzidzise mararamiro akanaka, nekuvawanisa ruzivo rwekuita mabasa anokwanisa kuvapa pundutso."

Kana yaparurwa zviri pamutemo, National Youth Service Zimbabwe inonzi ichange ichidzidzisa vechidiki zviuru gumi, vachatorwa kubva kumatunhu ese enyika.

Dzimwe nyanzvi dzinoshanda nevechidiki dzinoti zvichanetsa kuti chirongwa cheNational Youth Service ichi chitambirike, nekuda kwenhoroondo yacho yakasviba.

Pakamboitwa chirongwa ichi masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze akati vamwe vechirongwa cheNational Youth Service vaishandiswa kuponda vanopikisa, kuvaita kafiramberi uye kubata madzimai chibharo.

Gwaro rakaburitswa neSolidarity Peace Trust muna 2003 rine vamwe vechidiki ava vachireurura zvakaipa zvavakaita. Vechidiki ava vainge vodzidziswawo zvechiuto. Asi hurumende inoramba izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG