Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Abatana neRBZ Kusunga Vari Kukanganisa ZiG Asi veMakambani Vanoti Hazvishande


Gavhuna weRBZ Doctor John Mushayavanhu
Gavhuna weRBZ Doctor John Mushayavanhu

Mapurisa akabatana nechikamu chezvekufambiswa kwemari kuReserve Bank of Zimbabwe cheFinancial Intelligence Unit anoti asunga vanhu vakawanda vari kupomera mhosva dzekutenga nekutengesa mari mumigwagwa zvavanoti zviri kukanganisa kudzikama kwedhora itsva richangoparurwa reZimbabwe Gold kana kuti ZiG.

Vamwe vanhu makumi matanhatu nevashanu vakasungwa mukupera kwesvondo rapera vamiswa pamberi pedare ramejastiriti zvakare nhasi vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende Amai Loice Matanda-Moyo yaburitsawo mashoko kuvatori venhau ichiti vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo weExchange Control Act unoti imhosva kutenga nekutengesa mari pamukoto.

RBZ inoti yamborambidzawo mamwe makambani kutora mari dzawo kumabhanga. Makambani aya ari kupomerwa mhosva yekuramba kutambira mari yemaZiG. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vari kushanda neRBZ kusunga vari kutyora mutemo nyika yose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weCEO Africa Roundtable VaOswell Binha vanoti havawirirane nekusungwa kwevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, dare reparamende nhasi raitawo musangano nevemabhizimisi kuzeya nyaya yemari yeZIG iyi. Vanamuzvinabhizimisi vaudza paramende kuti mapurisa ngaambomira kusunga vemakambani nekuti zvinogona kutonyanya kukanganisa hupfumi hwenyika.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vaudza Studio 7 vaudza Studio 7 kuti vataura nekomiti yeparamende inoona nezvebhajeti nezvemari yemaZiG.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG