Accessibility links

Breaking News

EU Inoti Ndiyo Iri Kutenga Maruva neMichero Zvakawanda Kubva kuZimbabwe Kunyangwe Hurumende Ichiramba Ichiimba Rwiyo rweZvirango


Sangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union rinoti ndiro rinotenga maruva, michero nezvimwe zvemumagadheni zvakawanda kana kuti horticultural products zvaakawanda kubva kuZimbabwe kudarika dzimwe nyika dzose.

EU yazivisa mashoko aya padandemutande rayo reX, yaimbonzi Twitter. Izvi zviri kuuya panguva iyo vehurumende neZanu-PF vachiramba vachichema nerekuti zvirango zvakatemerwa nyika ndizvo zvapa kuti hupfumi hugwadame.

Asi EU iri kuramba kuti zvirango zviri kukanganisa kudyidzana neZimbabwe munyaya dzezvehupfumi. Mashoko eEU aya ndiwo anotaurwawo nehurumende yeAmerica kuti zvirango zvakatemerwa vavanoti vanotonga nedemo nekuita huori vakaita semutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Asi huruumende inoti zvirango izvi zvakatemerwa nyika nekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema. VeEU nemuzinda weAmerica muZimbabwe vanoti vanenge vari kumusika weZimbabwe International Trade Fair uri kutanga nemusi weChipiri kuBulawayo kusimbisa kudyidzana neZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nekambani yeUnderhill Corporate Solutions VaEddie Mahembe. Zimbabwe yave kuwana mari inodarika mamiriyoni zana nemakumi mana kana kuti US$140 million gore rino kuburikidza nekutengesa maruva nemichero kunze kwenyika.

Zimbabwe yaimbowana mari yakadai pasati patanga chirongwa chekugoverwa patsva kweminda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG