Accessibility links

Breaking News

VaJob Sikhala Vanokokwa kuMusangano weKodzero dzeVanhu kuGeneva


VaJob Sikhala.
VaJob Sikhala.

Sangano reNational Democratic Working Group (NDWG), rinoti sachigaro waro uye vari vakavamba sangano iri, VaJob Sikhala, vakakokwa kuti vazotaura kumusangano wekodzero dzevanhu nehutongo hwejekerere wechigumi nenhanhatu, kana kuti 16th Geneva Summit on Human Rights and Democracy, uchaitirwa kuGeneva kuSwitzerland mwedzi unouya.

VaSikhala vakambomirira Zengeze West mudare reparamende uye vaive nhengo yebato rinopikisa reCitizen's Coalition for Change.

Vakagara mujeri kwemazuva mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemashanu, 595, mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva dzakasiyanasiyana dzinosanganisira kupesvedzera mhirizhonga zvichitevera kupondwa kwenhengo yeCCC, Muzvare Moreblessing Ali nenhengo yeZanu PF, Pius Jamba, uyo akatongerwa makore makumi matatu mujeri.

Mutauriri wesangano reNational Democratic Working Group, VaDarlington Chigwena, vanoti VaSikhala vakakokwa nezvikonzero zvekurwira kodzero dzevanhu pamwe nehutongo hwejekerere kwavanoita munyika.

Vanoti izvi ndezvimwe zvezvinhu zvavachanotaura pamusoro pazvo kumusangano uyu, uye nyaya dzemari yenyika nekutambura kuri kuita ruzhinji munyika zvekuti vamwe vana vari kutadza kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG