Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMari, Muzvinafundo Ncube, Votsvaga US$2 Billion Yekubhadharisa Zvikwereti zveNyika


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti zimbabwe inoda mari inoita mabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica kuti ikwanise kubhadhara zvikwereti zvayo.

Vachipindura mubvunzo pamusangano wavaita nhasi nevatori venhau padandemutande re 'Zoom', VaNcube, avo vari muWashington D.C. uko vari kupinda musangano weIMF, vati vanotarisira kuti vachawana vachavabatsira nemari iyi kuitira kuti vakwanise kubhadhara zvikwereti kuitira kuti vazokwanisa kukwereta zvakare.

Vati Zimbabwe ine chikwereti cheWorld Bank chemari yekuAmerica inoita US$1.5 billion, uye cheAfrican Development Bank chinoita US$680 million.

Nekuda kwezvikwereti zvairi kutadza kubhadhara kuWorld Bank, African Development Bank-AfDB, pamwe nemamwe masangano, Zimbabwe inonzi haisi kukwanisa kuwana vanoibatsira nemari pari zvino, izvo zvave kuita kuti irarame nemitero yayakadzika, iyo inonzi nevamwe vanoongorora zvehupfumi iri kuremera veruzhinji.

Muzvinafundo Ncube vati gore rino vanotarisirwa kuunganidza US$250 million kubva mmitero mitsva yakasiyanasiyana yavakadzikaiyo inonzi nevamwe vanoongorora zvehupfumi iri kuremera veruzhinji.

Vachitaurawo pamusangano uyu, munyori mukuru mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, vayambira vari kuchinja mari pamisika mitema vachiti vachavatorera matanho akaomarara anokodzera kutorerwa vari kuchenesa mari dzakasviba, kana kuti money laundering.

Izvi zviri kuuya panguva iyo mari itsva yeZiG iri kunzi iri kuramba ichishaya simba pamusika mutema.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDeVry University kuOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti idanho rakanaka chose ratorwa naVaNcube sezvo zviri zvimwe zvakakurudzirwa nechikwata cheIMF staff-monitored program chaishanda nehurumende kubatsira kumutsiridza hupfumi hwenyika.

Asi zvavo Muzvinafundo Masocha vanoti havaoni paine njere dzekuti hurumende ikwerete mari yekubhadhara zvikwereti zvayo kuti igozokwanisa kukwereta mune remangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG