Accessibility links

Breaking News

Apo Nyika Iri Kupemberera Kuzvitonga Kuzere Vamwe Vanoti Hurombo neKutyorwa kweKodzero Zviri Kutowedzera


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnagagwa, vachibatidza mwenje werusununguko.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnagagwa, vachibatidza mwenje werusununguko.

Kunyange hazvo vamwe vari kuti hongu Zimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere kubva kuvachena vekuBritain muna 1980, hapana chekupemberera pazuva ranhasi sezvo munyika muine hurombo hunotyisa.

Vanorwira magariro evanhu akanaka vachishanda nesangano reZimbabwe Network For Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti kunyange hazvo paine zvimwe zvakanaka zvinoratidza kuti nyika yakasununguka, ruzhinji rwevanhu rwuri kunonga svosve nemuromo.

Vanoti kodzero dzevanhu dziri kuenderera mberi nekutyorwa, huwori hwaparadza hupfumi hwenyika, kushaikwa kwemabasa, kubirwa kwesarudzo kuri kuwedzera, uye kusagadzikana kwezvinhu ndizvo zvimwe zvinoita kuti vanhu vati hazvisi kuratidza kusununguka kuwenyika.

Asi nhengo yebato riri kutonga reZanu PF, VaKennedy Mandaza vanoti hurumende iri kuita zvose zvainogona zvekusimudzira hupenyu hwevana veZimbabwe kunyange hazvo paine magwanza pano nepapo.

VaMandaza vanoti chave kudiwa pari zvino kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru, vachiti chara chimwe hachipwanyi inda.

Panyaya yekukwira kwehuwori, vanoti zviri kumwana wese weZimbabwe kuti aone kuti aita pake kurwisana nehuwori, kwete kutowedzera sezvavanoti zviri kuitika pari zvino.

Vamwe vanotsigira hurumende vanoti iri kutadziswa kuita zvose zvinogadzirisa nyika nekuda kwezvirango zvavanogaroti zvakatemerwa nyika nevekumadokero.

Asi vekumadokero vanoti havana kutemera nyika zvirango, vachishora kutonga nedemo nehuwori vachiti ndizvo zvauraya nyika pamwe nehupfumi hwayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG