Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vachabatsira Mutongi Kutonga VaTrump Vosarudzwa


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Magweta evaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump, vachuchusi uye mutongi vari kuenderera mberi nekutsvaga vanhu vemuManhattan, New York kuti vabatsire mutongi kutonga nyaya iri kupomerwa VaTrump kana kuti ma"jurors."

Kubva neMuvhuro vanhu vasarudzwa igumi nevaviri. Pasi pebumbiro remutemo, vanhuwo zvavo gumi nevaviri nevamwe vatanhatu vanenge vakamirira kubatsira mutongo vanosarudzwa kuti vatonge munhu anenge achipomerwa mhosva. Asi vanhu ava vanofanira kunge vari vemudunhu rakaparirwa mhosva.

VaTrump vari kupomerwa mhosva dzekubhadhara mari dzevhara muromo kuti madzimai matatu avanonzi vakaita navo zvepabonde asafukure hapwa zvaisokanganisa mukana wavo wekukunda musarudzo dza2018.

Pamutemo, VaTrump vanosungirwa kutaura chokwadi pakushanisa kwavakaita mari kuitira mitero. Asi ivo vari kupomerwa mhosva yekutaura manyepo pamagwaro avakatura kudunhu reNew York emitero.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Moses Rumano vanova mutevedzeri wemukuru wezvidzo murimwe bazi kana kuti Assistant Dean of the Liberal Arts paNorth Central State College muOhio vaudza Studio 7 kuti muAmerica hapana munhu ari pamusoro pemutemo sezvinoonekwa kune dzimwe nyika.

Asi VaTrump vari kuti nyaya idzi dzine chekuita nezvematongerwo enyika kuti vasakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG