Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muSouth Africa, VaPercy Sithole, Votarisana neChikwereti Chikuru kuChipatara Kwavakarapwa


Tsamba yakabva kuchipatara yekuti VaSithole vabhadhare chikwereti cheR99,544.00.
Tsamba yakabva kuchipatara yekuti VaSithole vabhadhare chikwereti cheR99,544.00.

Muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine nyaya inosiririsa, yaVaPercy Sithole vanobva kuChiredzi kuMasvingo asi pari zvino vari kugara kuSoshanguve muSouth Africa.

VaSithole vanoti vakaitwa oparesheni yepachipfuva pachipatara cheDoctor George Mukhari Academic Hospital mwedzi wapera, vakagara pachipatara ichi kwemazuva manomwe vasati vaburitswa.

Vakanzi vadzoke zvakare kuchipatara mwedzi uno kunotariswa kuona kuti vari kupora zvakanaka here asi vanoti vakashamisika pavakadzokera vachisvikotambirwa nechikwereti chemari inodarika zviuru makumi mapfumbamwe nezvipfumbamwe zvemaRand, kana kuti 99,544 Rand, (US$5,500.00) iyo yainzi vanofanirwa kutanga vabhadhara kuitira kuti vakwanise kutariswa zvakare.

Mari inofanirwa kubhadharwa naVaSithole.
Mari inofanirwa kubhadharwa naVaSithole.

Asi vanoti havana mari yakadaro uye havana kwavanotarisira kuiwana, izvo zvave kuita kuti vatadze kudzokera zvakare pachipatara ichi kunotariswa kana oparesheni yavo iri kupora zvakanaka.

Tsamba yakabva kuchipatara ichi iyo yaonekwawo neStudio 7, inoratidza kuti VaSithole vakasainiswa magwaro ekuti vange vachibhadhara mari iyi kubva iye zvino, kukundikana kwavo votorerwa matanho.

VaSithole vanoti vave kurwara vari kumba sezvo vari kushaya kana mari yekutenga mapiritsi nemishonga zvekuti vazvibatsire kuderedza marwadzo.

Vanoti vari kukumbira vana veZimbabwe vanokwanisa kutambanudza maoko avo kuti vavabatsire nepavanokwanisa napo, vachiti chishuwo chavo chave chekuti dai vakwanisa kudzokera kumusha kune mhuri yavo, mudzimai nevana.

Vanoda kubatsira VaSithole vanokwanisa kuvabata panharembozha dzavo dzinoti +27 643 394 191.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG