Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Votambira neMufaro Kusarudzwa kweAnovamiririra KuAfrican Union


Nyasha Nhau - Disability Ambassador African Union
Nyasha Nhau - Disability Ambassador African Union

Vanomirira vakaremara musangano reAfrican Union (AU) kana kuti Disability Ambasador, VaNyasha Nhau, vanoti kuumbwa kwechigaro chemumiriri wevakaremera muAU pamwe nekudomwa kwavo semumuriri wevanhu ava kwave kubatsira zvikuru mukugadzirisa matambudziko avo sezvo hurumende dzemuAfrica dzave kutesrera mazano anobva kwavari.

VaNhau vanoti zvinhu zvashanduka zvakanyanyanya kubvira pavakadomwa saAfrican Union Disability Ambassador muna 2019.

Vanoti kunyangwe hazvo zvirongwa zvavo zvakambovhiringidzw nedenda reCovid-19 pari zvino vari kuita zvirongwa zvakawanda zvekusimudzira vakaremera munyaya dzekodzero, mitambo, kusanduka kwemamiriro ekunze nezvimwe.

Vanoti kunyange vari kufara kuti hurumende yeZimbabwe nedzimwe nyika dziri mugungano reAU dzave kuteverera mazano avo pachine zvakawanda zvinoda kuitwa zvakaita sekupa mari yekuti zvirongwa zvakaita seNational Disability Policy zvitevedzwe.

Vanotiwo huwandu hwevamiriri vevakaremera hunofanira kuwedzerwa mudare reparamende makanzuru nemasangano akaita seSADC ne African Union.

VaNhau varied pari zvino vari kunyora gwaro rine zvinhu zvese zvavanoda kuti zvigadziriswe iro vachatura kumusangano wevatungamiriri vemuAfrica.

Mumwe anoita zvemitambo yakaita seWheel Chair Racing, Basketball neSitting Volley Ball kunyangwe akaremara, Moline Mjoni anoti kubvira kudomwa kwaVaNhau semumiriri vavo, vakaremera vave kupinzwa muzvirongwa zvakawanda

Asi anotiwo pachine zvakwanda zvinoda kuti zviitwe nehurumende neAfrican Union.

Mumwewo anotamba mitambo yakaita seWheel Chair Baseket Ball asi akaremarawo, Gladys Masembura, anoti anofara chose kuti AU ichishanda nehurumende yave kuvapinza muzvirongwa zvavaisiiwa kare zvakaita sekushanduka kwemamirire ekunze.

Mukuru anoona nezvavakaremara mubazi revashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, Doctor Christine Peta, vaudza Studio 7 kuti kuveko kwaVaNhau kuAU kwakakoshera nyika.

Vanoshanda nesangano reCentre for Disability and Development VaMasimba Kuchera vanoti chingave chinhu chakanaka kana vatungamiriri vemuAfrica vakateerera mazano anobva kuvanomiririra kodzero dzevakaremara.

Vanhu vakaremara munyika zvikamu gumi zvevanhu vose vat munyika. United Nations inotiwo muAfrica yese mune vanhu vanodarika mamiriyoni makumi masere, 80 million, vakaremara. Sangano iri rinotiwo

vakaremara vanokwanisa kurarama zvakanaka kana hurumende dzemuAfrica dzikazadzikisa zvisungo zvakaita seAfrican Protocol on Human and People’s Rights neUnited Convention on People with Diasbilities.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG