Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzinoti Hadzioni Hurumende Ichiparadza Musika Mutema weMari seZvayiri Kuvimbisa


Vanochinja mari zvisiri pamutemo vanonzi vakatsvaga nzira itsva yekunzvenga nayo kusungwa.
Vanochinja mari zvisiri pamutemo vanonzi vakatsvaga nzira itsva yekunzvenga nayo kusungwa.

Apo hurumende iri kuedza kutora matanho ekuchengetedza huremu hwemari yemunyika itsva yeZimbabwe Gold, kana kuti ZiG, kuburikidza nekutumira mapurisa kuti asunge vanotenga nekutengesa mari mumigwagwa zvisiri pamutemo, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti hadzioni danho iri riine charinoburitsa.

Izvi zviri kuuya apo vanochinja mari pamusika mutema vari kunzi vave nenzira itsva yekuita nayo basa ravo, yekumirira vatengi pamikova yezvitoro vachivapa makadhi avo ekumabhanga kuti vashandise, ivo vozovapa mari iri mumadhora ekuAmerica yavanenge vachida kushandisa.

Vanoita zvekutenga nekutengesa mari ava vanonzi vari kutenga dhora rekuAmerica nemaZiG gumi nemashanu kana kudarika, inove mari iri pamusoro pane iri kutengwa nayo zviri pamutemo yemaZiG gumi nematatu, ivo vozotengesawo dhora rekuAmerica nemaZiG anobva pagumi nemasere kusvika kumakumi maviri kana kudarika.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti chinonetsa ndechekuti izvi zvinoitika pakati pevanhu vaviri vanenge vawirirana, nekudaro zvinonetsa kuti vasungwe.

Vanoongorora zvehupfumi vachitungamira sangano reCommon Markets for Liberal Solutions, COMALISA, VaRejoice Ngwenya, vanotsinhira vachiti mumakore ose avaita zvehupfumi hwenyika, havasati vaona kana kunzwa nezvenyika yakabudirira kuparadza musika mutema sezviri kuvimbiswa nehurumende izvi.

Muzvinabhizimusi uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti dambudziko remusika mutema ritori nhaka yakabva kumari tsaru yanga ichishanda munyika yema bond note kana kuri RTGs, nekudaro chinhu chichati netseyi kuchiparadza.

Asi vanoti zvavo chinodiwa pamari itsva iyi ndechekuti R-B-Z izadze mari kumabhanga kuitira vanoida vasatambura sezvaiitika.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanoti chikuru chinodiwa pari nhasi kutambirwa kwemari itsva yema ZiG asi izvi zvinobav kumuwaniswa dzidziso kweveruzhinji.

Asi bhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe rakazivisa svondo rapera kuti ratumira zvikwata zvichange zchitenderera nenyika zvichipa dzidziso kune veruzhinji pamusoro pemari itsva iyi, asi vamwe vataura ne Studio 7 vanoti vachakamirira zvikwata izvi mumatunhu avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG