Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Yakagadzirira Kushanda neZimbabwe Kudzosa Kugadzikana kweHupfumi hweNyika


Mukuru weInternational Monetary Fund (IMF), Amai Kristalina Georgieva.
Mukuru weInternational Monetary Fund (IMF), Amai Kristalina Georgieva.

Mukuru wesangano reInternational Monetary Fund, IMF, Amai Kristalina Georgieva, vati sangano ravo “rakamirira uye rakagadzirira kushanda nehurumende yeZimbabwe kuitira kudzosa kugadzikana kwehupfumi hwenyika uye kuti itange zvakare kudyidzana nedzimwe nyika,” izvo vanoti zvakakosha kuhurumende kuti ikwanise kuwana rubatsiro rwunobva kunze.

Amai Georgieva vaburitsa izvi padandemutande re”X,” iro raimbonzi Twitter, mushure mekuita musangano negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube nechikwata chavo pamwe nevemasangano anopa rubatsiro avo vari kupinda musangano weIMF uyo uri kuenderera mberi muWashington D.C.

Zimbabwe haisi kukwanisa kuwana rubatsiro rwemari kubva kuIMF kana kuWorld Bank nekuda kwezvikwereti zvairi kutadza kubhadhara.

Mashoko aAmai Georgieva anouya panguva iyo Zimbabwe iri kurwisana nekudzikira kwehupfumi hwenyika pamwe nekusagadzikana kwemari yemunyika zvisineyi nekuparurwa kwemari itsva yeZimbabwe Gold, kana kuti ZiG, musi wa 5 mwedzi uno.

Forum

XS
SM
MD
LG