Accessibility links

Breaking News

VaTrump Voita Mutungamiri weAmerica Wekutanga Kumiswa Pamberi peDare


Stephanie Clifford anozivikanwa nerekuti Stormy Daniels uye vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump
Stephanie Clifford anozivikanwa nerekuti Stormy Daniels uye vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vapinda munhorondo yenyika yavo nekuva mutungamiri wenyika wekutanga kumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva dzekureva nhema kuyedza kuti nyaya dzavari kupomerwa dzekuita zvepabonde dzisabude pachena muna 2016.

Izvi vasityira kuti zvaizopa kuti vakundwe musarudzo yemutungamiri wenyika naAmai Hillary Clinton.

Nhasi VaTrump vange vari mudare muNew York pachisarudzwa vanhu vanozotaura kuti vakapara mhosva here kana kuti kwete vanonzi ma"jurors."

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Ava vanhuwo zvavo vanongosarudzwa asi vari vemuNew York. Asi zvinonzi nhasi hakuna munhu asarudzwa sezvo pange pasina kuwirirana pakati pemagwweta aVaTrump nevachuchusi.

VaTrump vari kupomerwa mhosva yekubhadhara mari yevharamuromo kune madzimai maviri anoti Stormy Daniels anoita zvepabonde nevarume vakawanda nekuda kufadza vanhu kana kuti “adult porn star” uye mumwe anonzi Karen McDougal.

VaTrump vanonzi vakabhadharawo mari yevharamurmo kuti nyaya yekuti vainge vaine mwana nemumwe mudzimai kunyangwe vainge vakaroora isafumurwe.

Asi VaTrump vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa idzi vachiti zviri kuitwa nevebato remaDemocrats kuda kuvavhiringidza kutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo yemutungamiri wenyika iri kuitwa muna Mbudzi gore rino.

Vanhu vachiratidzira panze pedare reManhattan Criminal Court muNew York City.
Vanhu vachiratidzira panze pedare reManhattan Criminal Court muNew York City.

Vaive gweta raVaTrump, VaMichael Cohen vanoti vakapa Stormy Daniels mari inosvika zviuru zana nemakumi matatu kana kuti US$130, 000 ukuwo rimwe gwaro nhau reNational Enquirer rikapa McDougal mari inosvika zviuru zana nemakumi mashanu kana kuti US$150, 000.

VaTrump vanonzi vakazodzosera mari idzi neimwe pamusoro.

Dare riri kutarisirwa kutanga zvakare kuzeya nyaya yaVaTrump nenguva dza9.30 mangwana mangwanani.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice VaKennedy Masiye vaudza Studio 7 kuti iyi inyaya yakaoma inogona kuendesa VaTrummp mujeri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG