Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oronga Kushanda neHurumende Mukuvaka Nzvimbo dzeKubatsira Vanotora Zvinodhaka


Vechidiki vakawanda vanonzi vari kushandisa zvinodhaka.
Vechidiki vakawanda vanonzi vari kushandisa zvinodhaka.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Civil Liberties and Drug Network, VaWilson Box, vanoti sangano ravo nemamwe masangano anoshanda akazvimirira vachange vachibatana nehurumende mukuvaka nzvimbo dzinopa rubatsiro kune avo vari kutora zvinodhaka munzvimbo dzakasiyanasiyana munyika.

VaBox vanoti pane hurukuro dziri kutoitwa pari zvino kuti izvi zvibudirire, vachiti pari zvino nzvimbo dzinobatsira vanotora zvinodhaka dziri kudhura uye ishoma munyika.

Vanoti pari zvino mapurisa ari kuyedza kusunga vanotengesera vechidiki zvinodhaka asi chirongwa ichi chinoda kusimbaradzwa.

"Zvakakosha kuti mapurisa arambe achiita basa rawo rekusunga vanotengesa zvinodhaka, asi mitemo yekuti vanenge vabatwa vachitora zvinodhakwa vasungwe inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti vawane simba rekuenda kunozvirapisa vasingatye kuguma vasungwa kana vaziva kuti vave nedambudziko rezvonodhaka," VaBox vaudza Studio 7.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG