Accessibility links

Breaking News

Amai Muchinguri Vanzi Varipe Munhu Akaitwa Kafiramberi neMauto


Nkosikazi Oppah Muchinguri Kashiri
Nkosikazi Oppah Muchinguri Kashiri

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah- Muchinguri-Kashiri pamwe nemukuru wemauto eZimbabwe Defence Forces, Lieutenant-General Anselem Nhamo Sanyatwe, vanzi nedare ramejasitiriti muHarare vabhadhare mari inodarika mamiriyoni zana emadhora emunyika kuna VaMuchademba Muponde, chizvarwa cheZimbabwe chakashungurudzwa pamwe nekukuvadzwa nemauto muna 2019.

Asi mudare, magweta aAmai Muchinguri Kashiri naVaSanyatwe vange vachiti mauto aya ainge asiri pasi pavo asi pevakuru vemapurisa vainge vavadana.

Magistrate Tamara Chibindi vawane vaviri ava vaine mhosva zvichitevera kuitwa kafiramberi kwaVaMuponde nemauto ainge achidzivirira kuratidzira kwaiitwa neveruzhinji mumusha weGlen View muHarare musi wa 16 Ndira vachinyunyuta nekukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari. Hatina kukwanisa kunzwa mativi Amai Muchinguri naVaSanyatwe sezvo takundikana kubata magweta avo panyaya iyi.

Asi gweta raVaMuponde, VaTinashe Chinopfukutwa, veZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti VaMuponde vakangorohwa vachizvifambira havo muHarare.

Mudare VaMupondi vanoti vange vachizvifabira havo apo vakamhanyiswa nemumwe musoja ainge akatakura pfuti akabva atanga kuvarova nepfuti iyi vakakuvara zvakaipisisa mumakumbo uye vakakuvarirawo mukati.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG