Accessibility links

Breaking News

Vabereki veMwana Akauraya Vamwe kuChikoro Votongerwa Kugara Mujeri kweMakore Gumi neMashanu


Ethan, naAmai naBaba vake, Jennifer naJames Crumbley
Ethan, naAmai naBaba vake, Jennifer naJames Crumbley

Vamwe vabereki vekuMichigan, James Crumbley nemudzimai wake, Jenniffer, nezuro vakatongerwa kugara mujeri kwemakore anokwanisa kusvika gumi nemashanu mushure mekunge mwana wavo, Ethan aiva nemakore gumi nemashanu paakapfura nekuuraya vamwe vaaidzidza navo vana paOxford High School, kuMichigan muna 2021.

Ethan akatongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwake hwose ave nemakore gumi nemanomwe. Vabereki ava vanonzi havana kutora matanho ekuchengetedza pfuti uye kumutsvagira rubatsiro kunyangwe airatidza kuti ane dambudziko repfungwa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda nesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye vaudza Studio kuti vanoti zvakaitwa nedare zvekusunga vabereki VaEthan zvichapararira mumatunhu mazhinji zvichikonzera kusungwa nekukandwa mujeri kwevabereki vane vana vanopara mhosva dzakadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG