Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKushandisa Michina Kutsiva Vanhu Kana kuti A.I Yokonzera Gakava


Kune vechidiki vakawanda vari kugamuchira nemaoko maviri, kuvandudzwa kwemashandisirwo emichina yechizvino-zvino inoshandisa masaisai eInternet, kuti inge ichiita mabasa mazhinji aimboitwa nevanhu, ichizivikanwa nekunzi Artificial Intelligence, kana kuti A.I.

Asi varikowo vanoti kana mabasa evanhu ave kuitwa nemichina, zvichasiya vanhu vacho vamire pakaoma.

Artificial Intelligence iyi, inozivikanwa nevazhinji nekunzi A.I, yakatanga kutekeshera kunyika dzakabudirira, asi dzichiri kusimukirawo seZimbabwe dziri kuigamuchirawo zvishoma nezvishoma.

VaLeonard Sengere, mupepeti wekambani yenhau inowongorora nyaya dzezvemadandemutande nemasaisai, yeTechzim, vanoedza kutseketudza kuti A.I chii.

"Artificial Intelligence kushandisa michina kana kuti maRobots kuti aite basa rinogona kuitwa nevanhu pachawo, anogadzirwa nemutowo unoita kuti afunge sevanhu chaivo, uye kuti akwanise kuita sarudzo dzinokwanisa kuitwa nemunhu panguva ipi zvayo.'

VaSengere vaudza Studio 7. Vaenderera mberi vachiti, " Saka A.I marobhotsi kana michina yechimanje-manje yakagadzirwa kuti iite uye ifunge sevanhu."

AI yave kushandiswa kugadzira mishonga nenzira itsva dzekurapa vanhu. Munyaya dzemari iri kushandiswa kubata mbavha, uye kubatsira nyanzvi mukukudza mabhizimisi nekuvapa ruzivo. Munyaya dzedzidzo, AI iri kushandiswawo semudzidzisi kuti vana vadzidze nenzira yavanonzwisisa. Muzvitoro, vanhu vave kukwanisa kutenga zvavanoda pamadandemutande pasina kutaura nemunhu. Kana munyaya dzehondo, kwave kushandiswawo mhando dzendege dzemadrones dzinobhururutswa nemacomputer. Izvi zviri kubuda pahondo yeRussia neUkraine.

VaSengere vapawo mimwe mienzaniso yeA.I, "Mienzaniso inosanganisira kuudza nharembozha yako kuti ikuisire alarm, yobva yaisa." Vatizve, "Kuchitiwo, mazuvano vane dzimotokari vanogona kusvika kwavanoda kuenda, kunyange vasingakuzivi, vachibatsirwa mafambiro neGoogle. Zvekare, dzaveko mota dzinozvityaira dzega, dzichitevedzera mitemo yemumigwagwa inenge yakatarwa. Michina imwe yacho inotoziva zvaunofarira nekuongorora zvaunonyora kana sarudzo dzaunoita. Saka nguva nenguva, inokufungidza zvaunofarira izvi."

Artificial Intelligence inonzi yakanakirawo kuti inokwanisa kuchenjedza veruzhinji pamusoro penjodzi dzinogona kuitika, dzisati dzasvika.

Kuchitariswa zvinonzi zvakanakira A.I, mukomana wechidiki anodzidza paChinhoyi University of Technology, Makomborero Mafukidze, anoti vechidiki vanofanira kuigamuchira, sezvo ichirerutsa mabasa mazhinji. VaMafukidze vati, "Ndinoona yakanakira kuti inowanisa ruzivo kana kuti mazano akawanda kudarika zvinoitwa neGoogle."

Vaenderera mberi vachiti, "Ndichitarisa zvidzidzo zvangu zvine chekuita nemhuka, kuwana ruzivo kwava nyore nekuti rwunowanika rwekunedzimwe nyika zviri nyore. Hatichakwanisi kuitiza, pava kutongoda mitemo inoita kuti muzvidzidzo zvedu, A.I itenderwe zvakazara."

Asi mumwewo wechidiki anogara kuHighfield muHarare, Mafara Mazhindu, anopokana nekuti Artificial Intelligence yakanaka.

"Nyika yedu ichiri yakasarira kumashure zvakanyanyisa munyaya dzezvemichina yemazuvano, kana tichiienzanisa nenyika dzakabudirira." VaMazhindu vaudza Studio 7.

Vatizve, "Naizvozvo, kuuya kweA.I kunogona kusiya vanhu vakawanda vasisina mabasa, ava kungoitwa naiyo michina iyi. Muzvidzidzo, ndinoona sekuti iri kukurudzira hunyope sezvo vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro vasingachaverengi, asi vave kungonyoregwa basa rechikoro naiwo makombiyuta."

Gurukota rinoona nezvekushandiswa kwemasaisai eInternet nemichina yechizvino-zvino, Muzvare Tatenda Mavetera, vaudza Studio 7 kuti hurumende iri mubishi kugadzira mutemo une chekuita neArtificial Intelligence. Vati, "Tinoona sekuti Artificial Intelligence yakanaka chose, sezvo ichikwanisa kutiwanisa mikana yakawanda chose."

Muzvare Mavetera vatiwo, "Vanhu vanogona kuti iri kutora mabasa evanhu, asi zvinhu zvingani zvavandudzika nekupindana kwemazuva? Inga kupinda kwenharembozha makore akwaive nemaLandline, kwakagamuchirika chose. Nekuona kukosha kweA.I, bazi rangu rava kutogadzira mutemo nehurumende unotibatsira kushandisa chizvinozvino ichi nenzira yakanaka."

Chipangamazano wezvekuvandudzwa kwemichina yemazuvano, VaAllen Saruchera, vanoshanda vakazvimirira, vanoti Artificial Intelligence yakafanana nemauyu, ayo anonaka, asi achiitisawo bwadzira.

VaSaruchera vati, "Kunaka yakanaka nekuti inoita kuti basa rifambe nekukasika, vanhu vabatsirikane."

Vatiwo, "Mazuvano ukarwara unogona kutorapiwa nemuchina pambozhanhare yako, zvikatoita. A.I iri kugadzirawo mabasa sezvo vamwe vana vedu vave kudzidzira kugadzirawo zvinokwanisisa kuti inge ichishandiswa. Asiwo nerimwe divi, mabasa ari kupera, hatingarambi. Kozotiwo, pane kakutya kuti ko michina iyi ikazotanga kuita zvakapfurikidza zvinodiwa nevanhu, chii chichazoitika? Vamwe vanoti inogona kubva yangodzimwa, asi haisi nyore sekutaurika kwazvo."

Artificial Intelligence inotarisirwa kuramba ichitekeshera pasi rese, kunyange kunyika dzakaita seZimbabwe, isingazonyanyi kushandiswa nekuti panodiwa mari yekutenga zvikwanisiro zvakafanana nemakombiyuta, nharembozha uyewo masaisai eInternet- mari inova isiri kuwanika nyore nekuda kwekuoma kwezvinhu.

Zimbawe inewo dambudziko rekudzimwa dzimwa kwemagetsi zvinokanganisa zvikuru nyaya yeAI iyi.

Asi kunyange zvakadaro, vazhinji kunyanya mumadhorobha munyika vari kushandisa A.I mukurarama kwavo.

Kunyangwe paine zvimhingamupinyi zvakati wandei, vanasorojena vakataura kare kuti kudzidza hakuperi nekudaro nvechidiki vari kukurudzirwa kutambira AI kuti vasasarire sure segotsi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG