Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheBlue Movement Chinoti Charambidzwa neMapurisa kuMasvingo Kuita Musangano Wacho


Murongi wemisangano muBlue Movement, VaAmos Chibaya.
Murongi wemisangano muBlue Movement, VaAmos Chibaya.

Vari kutungamira zvironga zvechikwata cheBlue Movement, icho chinoti chiri kutsigira vaimbove mutungamiri webato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa, VaAmos Chibaya, vanoti chikwata chavo charambidzwa nemapurisa kuita musangano wacho kuMucheke Hall kuMasvingo.

VaChibaya vanoti vakanga varonga kuita musangano wehutungamiri hwunobva kumatunhu ose emunyika uye vakanga vatobhadhara mari kukanzuru yekuti vakwanise kushandisa chivakwa ichi, asi vashamisika kusvika panzvimbo iyi vachiwana paine mapurisa anodarika mazana maviri anga akapakata zvombo, ayo avarambidza kupinda achiti vanga vasina mvumo yekuita musangano uyu.

Asi vanoti uyu wanga usiri musangano weveruzhinji, nekudaro havadi kutanga vazivisa mapurisa.

Vanoti vazotsvaga imwe nzimvo kwavazokwanisa kuunga vachienderera mberi nemusangano wavo .

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.

Chikwata ichi chagara chiri kunyunyuta chichiti chiri kubatwa neseri kweruoko nemapurisa, ayo chinopomera mhosva yekurambidza misangano yacho.

Asi mune dzimwe nzvimbo mapurisa anoti akavarambidza kuita misangano achityira kuti paizogona kuita mhirizhonga.

Nhengo dzechikwata ichi dzaive nhengo dzebato rinopikisa reCCC idzo dzisina kuda kubatana nechikwata chebato iri chiri pasi pevanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG