Accessibility links

Breaking News

Mutauriri weDare reParamende muAmerica Oda Kumanikidzwa Kusiya Basa neMumwe weBato Rake


VaMike Johnson
VaMike Johnson

Pachangopera mwedzi mitanhatu vatora basa rekuva mutauriri wedare reParamende, reHouse of Represenatives muAmerica, VaMikke Johnson vave kuda kumanikidzwa nemumwe webato ravo remaRepublicans kuti vasiye basa.

Vari kutungamira hurongwa hwekubvisa VaJohnson pabasa ndeimwe nhengo yebato iri, Amai Marjorie Taylor-Greene. VaJohnson vakatora basa iri kubva kuna VaKelvin McCathy avo vakabviswa pachigaro ichi nenhengo dzebato ravo remaRepublicans.

Mubato remaRepublican mune vatsigiri vevaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanoda kuti zvunhu zviitwe nenzira yavo.

Kumwe kusawirirana kuri kukonzerwa nenyaya dzine chekuita nemari yerubatsiro runopiwa nyika yeUkraine muhondo yayo ne Russia uye bhajei rehurumende yeAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaDen Moyo, vanoti vamiriri vebato reRepublican Party havasi kuda kuita basa nemazvo nokuti havadi kuti mutungamiri wenyika, VaJoe Biden, vabudirire sezvo riri gore resarudzo, vachiitira kuti mutungamiri webato ravo, VaDonald Trump, vasakundwa musarudzo dzichaitwa muna Mbudzi gore rino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG