Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kudzika Mitemo Inobatsira Vakaremara Munyaya dzeKuburitswa kweMashoko eChizvinozvino


Vanorwira kodzero dzevakaremara vari kukurudzira hurumende kuti idzike hurongwa husingavasiye kumashure kana kuti ICT policy for People with Disabilities.

Izvi zvabuda mumusangano wakaitirwa muHarare nezuro wakarongwa nesangano rinorwira kodzero dzevakaremara reSigns of Hope Trust richishanda nereCommunication Technologies by Persons with Disabilities.

Vachitaura pamusangano uyu sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehutano VaDaniel Molokele vakakurudzira nyika kuti irege kutarisa vakaremara sevanhu vanoda rubatsiro chete asi ikoshese kuchengetedzwa kwekodzero dzavo.

Mukuru wesangano reSigns of Hope Trust Muzvare Samantha Sibanda vati vakaremara vanofanira kusimudzirwa sevamwe kuti vasasarire munyaya dzezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG