Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokumbira VeKunze Mabhiriyoni Maviri US$2 Billion eKutenga Chikafu Vachitenda Kuti Nzara Yapfunya Chisero muNyika


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vazivisa kuti nyika inoda mari yerubatsiro rwechikafu inosvika mabhiriyoni maviri ekuAmerica sezvo yatarisana nenzara inotyisa yakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura zvichikonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti El Nino. Nekuda kwedambudziko iri VaMnangagwa vakumbira vekunze kuti vabatsire kana kuti “state of disaster.”

Vachitaura kuState House muHarare nhasi, VaMnangagwa vati mari iri kudiwa neZimbabwe inogona kutowedzera kudarika pane yakumbirwa nhasi.

Vaenderera mberi vachiti vari kuda rubatsiro kuUnited Nations, machechi, masangano akazvimirira oga nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika.

Nyika inoda chibage chinosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri kana kuti 2,2 million tonnes pagore kupa vanhu zvese nezvipfuyo. Kana mutungamiri wenyika atenda kuti nyika yave kuda rubatsiro, zvinoreva kuti vekunze vanenge vobvumidzwa kutsvaga mari yekubatsira vanhu.

Kunyangwe Studio 7 yakange yataura mwedzi yadarika kuti VaMnangagwa vatore danho ravatora nhasi asi hurumende yange ichiti yakakohwa pakuru chibage chinosvika gore rinouya.

Vachipindura chikumbiro cheZimbabwe ichi, mukuru weUnited Nations munyaya dzekubatsira VaEdward Kallon vati sangano ravo rakagadzirira kubatsira Zimbabwe. Vakurudzirawo Zimbabwe kuti isimbaradze zvirongwa zvakaita sezvekusimudzira madiridziro uye kusima mbesa dzisingadi mvura yakawanda senzira yekurwisa nzara inokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze. Vati pane zviri kutorongwa neUnited Nations kubatsira Zimbabwe. Izvi zvatsinhirwa nemutauriri weWFP muZimbabwe vaChristopher Charamba.

Mumwe mugari wekwaGutu VaLast Mafuratidze vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka mudunhu ravo.

Reverend Forbes Matonga avo vakambotungamira sangano rinopa rubatsiro rwechikafu reChristian Care, vati zvaitwa naVaMnangagwa zvakakosha.

Nyanzvi munyaya dzekubatsirwa kwevanhu, VaJoy Mabenge vayambira kuti zvinogona kunetsa kuunganidza mari iri kudiwa neZimbabwe iyi.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaRuben Mbofana vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa naVaMnangagwa rakanaka asi rinoratidza kusarongeka kwevatungamiriri muhurumende sezvo zvakatora nguva kuita izvi vachiti nyika ine maguta.

Mutungamiriri wenhengo dzebato rinopikisa muparamende reCitizens Coalition for Change, Clifford Hlatshwayo, vaudza Studio 7 zvaitwa nhasi ndozvakatura kuti kare kuti zviitwe asi hurumende ichiisa zvitanda munzeve.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour, Economic, Development Reasearch Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vati nyaya yenzara ichatokanganisa bhajeti renyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi VaSimon Hove vati zvakakosha kuti pasaitwe zvematongerwo enyika kupa vanhu zvekudya.

Hurumende inotarisirwa kuzivisa huwandu chaiwo hwevanhu vanoda rubatsiro paichapedza ongororo yayo yechipiri yeFood and Crop Assessment mwedzi uno.

Asi nyanzvi dziri kuyambira kuti hunenge hwakawanda kutodarika mamiriyoni masere sezvo memumadhorobha vakawanda vachitarisirwa kuda rubatsiro nekusamira zvakanaka kwehupfumi uye kuderera kwemitengo yezvicherwa pamisika yepasi rino. Sangano rehurumende yeAmerica reFamine Early Warning Systems Network rinoti vanhu mamiriyoni makumi maviri- 20 million.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG