Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oshushikana neNjodzi Dziri Kukonzerwa neVatyairi Kunyanya


Mutauriri wemapurisa Assistant Comissioner Paul Nyathi vanoti vari kushushikana zvikuru nenjodzi dzemumigwagwa dziri kukonzerwa kazhinji nevatyairi vasiri kutevedzera mitemo nekumhanyisa motokari nemabhazi.

Musi weChishanu neMuvhuro, vanhu makumi masere nevetanhatu vakakuvara mushure mekubheuka kwemabhazi maviri uye mumwe munhu akatsikwao nemotokari akafa.

VaNyathi vaudza Studio 7 kuti vachapa huwandu hwenjodzi dzakaitika pazororo reEaster mangwana. Asi ongororo yakaitwa nehofisi yemunyori mukuru weUnited Nations inonzi UN Secretary General’s Envoy for Road and Safety inoti vanhu vashanu vanofa pazuva muZimbabwe nekuda kwetsaona dzemumigwagwa.

United Nations inoti pagore vanhu vanodarika miriyoni imwe chete kana kuti 1,35 millio vanofa pasi rose nekuda kwenjodzi dzemumigwagwa kunyanya muAfrica.

Mutauriri wesangano revanofamba nemabhazi reZimbabwe Passengers Association, VaTafadzwa Goliati vaudza Studio 7 kuti kumhanyisa mabhazi mumigwagwa isinawo kugadzirwa zvakanaka kukanda vanhu mukanwa mamupere.

Forum

XS
SM
MD
LG