Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Voendeswa kuMatare Nekupa Mari Komisheni yeNPRC Yave Kushanda Zvisiri paMutemo


JESTINA MUKOKO
JESTINA MUKOKO

Vanorwira kodzero dzevanhu muzvare mestina mukoko vari kuronga kuendesa gurukota rezvemari muzvinafundo Nthuli ncube kumatare nekupa mari mubhajeti ravo kukomisheni yezverunyararo nekuregererana yeNational Peace and Reconciliation Commission kunyangwe pamutemo komisheni iyi yaifanira kuve isisashande musi wa 13 Nyamavhuvhu 2023.

Mubumbiro remitemo, komisheni iyi yaifanira kushanda kwemakore gumi chete kubva muna 2013.

Vamwe vari kuendeswa kumatare idare reParamende nemuchuchusi mukuru wehurumende amai Mirginia mabiza. Hatina kukwanisa kubata VaNcube sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Tatumirawo mibvunzo kuna amai Mabiza uye mutauriri weNPRC asi haina kupindurwa pataende pamhepo.

Asu mutungamiri webato rinopikisa reNCA, vari nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo Muzvinafundo Lovemore Madhuku avo vati vanopikisana nekuendesa VaNcube kudare.

"Nyaya iyi handiwone ichienderera mberi uye ndinopikisa danho ratorwa rekuendesa gurukota wezve mari VaMthuli Ncube kumatare nekuti semawonero angu vari kuita basa ravo zviri pasi pemutemo," VaMadhuku vaudza Studio7. Vati VaNcube chavo kupa mati mubjajeti kwete Mugadza makomishina.

Studio7 yabatwo rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaPaidamoyo Saurombe avo vati vanowiririna nedanho ratorwa naMuzvare Mukoko nekuti nyaya dzakadayi dzinofanirwa kukwidzwa kumatare kuitira kuti dzizeyowe kana paine zvinoda kugadziriswa zvogadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG