Accessibility links

Breaking News

Nhomba yeCholera Yoshomeka Apo Vanhu Vanodarika Bhiriyoni Pasi Rose Vari muNjodzi yeKutapurirwa Chirwere Ichi


Sangano reWorld Health Organization rinoti riri kushishikana zvikuru nekushomeka kwenhomba yecholera panguva iyo chirwere ichi chiri kupararira munyika makumi matatu pasi rose kusanganisira muZimbabwe.

Chirwere ichi chabata vanhu bhiriyoni imwe chete pasi rose. Sangano rinoona nezvekuunganidzwa kwenhomba yecholera reInternational Cordinating Group on Vaccine Provisions rinoti gore rapera kwaidiwa nhomba mamiriyoni makumi manomwe nemaviri kana kuti 72 million asi kukagadzirwa mamiriyoni makumi matatu nematanhatu kana kuti 36 million.

Izvi zvave kupa kuti vanhu vadonhedzerwea nhomba kamwechete kwete kaviri sezvinokurudzirwa.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vanodarika mazana matanhatu nemakumi matatu kana kuti 636 vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira kuchegutu. Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti kuhomeka kwenhomba hakushamise nekuti vanogadzira mishonga vakaona sekuti chirwere ichi chainge chederera huturu. VaRusike vati mushonga mukuru kupa vanhu mvura yakachena.

Forum

XS
SM
MD
LG