Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orambidza veBlue Movement Kuita Misangano


Mumwe wevari kutungamira zvironga zvechikwata cheblue movement chinoti chiti kutsigira VaNelson Chamisa, VaAmos Chibaya vari kushora mapurisa vachiti ari kushandiswa sembato nebato reZanu-PF kuvarambidza kuita misangano yavo.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mapurisa mutsamba dzavari kunyora kuchikwata ichi vari kupa zvikonzero zvakasiyana siyana sezvekuti vari kutyira kuti vangazorwisana nevamwe vanopikisa vavasiri kutaura kuti ndivanani kana kuti havasi kutevera zviga zvemitemo yeMaintenance of Peace and Order Act.

Mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko VaFarai Marapira havana kupindura mibvunzo yatakavatumira asi bato ravo rinotiwo haripindire mumashandiro emapurisa.

Nyaya yekurambidza vanopikisa kuita misangano inogara ichishorwa nesangano reUnited Nations nevanorwira kodzero dzevanhu. Asi mapurisa ari kuramba achienderera mberi nekuita izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG