Accessibility links

Breaking News

PaEaster Sunday: Pope Vokurudzira Runyararo muGaza


Pope Francis nhasi vatungamira zuva rekumuka kubva muvakafa kana kuti Easter Mass pamberi pezviuru zvevanhu zvakawanda paSaint Peter’s Square kuVatican.

RELIGION-EASTER/POPE
RELIGION-EASTER/POPE

Vakurudzira kuti hondo imbomiswa kuti pave nerunyararo pakati peIsrael nechikwata cheHamas.

Pope vaita izvi kunyangwe vatendi vakawanda vasina kugadzikana muhana nekuda kwehurwere hwavo.

Vasvika pagungano iri vakagara pawhealchair. Zuva reEaster Sunday rakakosha kune vatendi veRoman Catholic vanodarika bhiriyoni imwe chete kana kuti 1,3 billion pasi rose.

POPE-HEALTH/
POPE-HEALTH/

Vatendi vemamwe makereke vanokoshesawo zuva iri zvakanyanya.

Reverend Oliver Mandisodza mutungamiri weMen of Valour, Purpose and Vision Trust Globla Network vaudzawo Studio 7 kuti zuva ranhasi rinovarangaridza kuti kufa handiko kuguma kwemutendi asi anozomuka kubva muvakafa achikunda rufu zvakaita Jesu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG