Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vateveri veNhabvu Votyira Kuti Nhandare yeRufaro Ichakasika Kuremerwa neMitambo Yavanoti Yawandisa


Nhandare yeRufaro iri muHarare.
Nhandare yeRufaro iri muHarare.

Nhandare yenhabvu yeRufaro, iyo iri mumusha we Mbare muHarare, mangwana iri kutakura mutambo wayo wechitatu pamazuva mana ichangobva kuvhurwa zvakare, izvo vamwe vanotevera nhabvu vave kutyira kuti mashandisiro aya akaramba akadai anogona kukanganisa zvakare nhandare iyi.

Nhandare iyi mangwana ichange ichitambirwa ngoma pamutambo uri pakati peCaps United neArenel Movers, iyo ichangopinda mumakundano eCastle Lager Premier Soccer.

Izvi zvauya mushure mekunge Rufaro Stadium yakasimudza mutambo wayo wekutanga kubva zvayavhurwa zvakare uyo waive pakati peCaps United neBikita Minerals nemusi weChina. Nezuro nhandare iyi yakasimudza zvakare mitambo wayo wepiri pakati peDynamos neYadah uyo wakapera uri mangange 0-0.

Pari zvino nhandare iyi iri kushandiswa semusha nezvikwata zvinoti Caps United, Dynamos neYadah, asi mashoko ari kufamba anoti Herentals yakumbirawo kudzoka muHarare pane kushandisa kwairi kuita nhandare yeNyamhunga kuKariba semusha wayo.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaBrighton Makasa, vanoti mashandisirwo ari kuitwa Rufaro akaramba akadai anokwanisa kukanganisa huswa hwemukati menhandare yozopedzisira yamiswa kushandiswa zvekare.

"Kunyanya kushandiswa kurikuitwa Rufaro Stadium kuchatipa dambudziko seratakawana kuNational Stadium. Nhandare inofanira kumbozorodzwa kwete kuti zuva nezuva mitambo sezvirikuitwa izvi. Huswa hunofanira kumbopihwa nguva yekusimuka," anodaro Makasa.

Mwaka wapera zvikwata zvemuHarare zvaishandisa National Sports Stadium asi huswa hwemunhandare iyi hwakaguma hwaipa zvekuti pari zvino nhandare iyi haikwanise kutambirwa nhabvu yepamusoro.

Mutsigiri weDynamos, VaAdam Mukwasi, vanoti panofanira kuitwa hurongwa hwekudzikisa mitambo kuti Rufaro irambe ichikwanisa kutambirwa nhabvu yepamusoro yePSL.

Izvi zvauyawo mushure mekunge meya weguta reHarare, VaJacob Mafume, vazivisa kuti nhandare iyi ichange isiri yenhabvu chete asi kuti mimwe mitambo inosanganisira magitare.

" Tavagadzirira stage yavo inogara iripo. Vachakwenedzera magitare. Vechidiki veZimDancehall vachatomuka kusvika vasvika kudenga uko vachifara. Panzvimbo yakanaka," vanovimbisa VaMafume.

Asi mutsigiri wemutambo wenhabvu, VaSupa Mushonga, vanoti vari kufara nemamiriro aita Rufaro, iyo yavewo nepekugara pevakaremara, avo vanoshandisa mabhasikoro ekufambisa kana kuti ma wheelchair.

"Pasvika nhandare iyi rakanakisisa. Uyezve vane mawheelchair vave nepavo pavanopinda napo nekunogara. Hapasisina zvimhingamipinyi sezvaimbosangana nazvo," varikufara VaMushonga.

Zvakamira zvakadai, VePremier Soccer League vane hurongwa hwakazara hwemitambo pahorodhi ino yeEaster, kusanganisira mutambo mukuru pakati peNgezi Platinum Stars, iyo ine mukombe uyu, neManica Diamonds, iyo yakapedza iri pachinhanho chechipiri mwaka wapera.

Mutambo uyu uriko neMuvhuro muBaobab Stadium kumaruwa eMhondoro-Ngezi.

Ngezi yatora mapoinzi maviri chete pamitambo mitatu yayatamba mwaka uno asi mutsigiri wayo VaJacob Pasira vanoti uku kutanga kwemwaka asi Madamburo ichasimuka.

"Mwaka uno mutambo uchatambika. Tikatarisa vakomana varikutatarika asi uku kutanga kwemitambo," vanozvishingisa VaPasira.

Manica Diamonds yacho iri kuremerwawo nemitambo iine poindi imwechete chete kubva mumitambo mitatu zvekare.

Asi mutambo weCaps United neArenel mangwana uchange uchibatanawo zuva rimwechete nemutambo weChegutu Pirates neGreen Fuel muBaobab pamwe neweChicken Inn neZPC Kariba muBarbourfields Stadium kuBulawayo, kozotiwo weHerentals neFC Platinum kuNyamhunga kuKariba.

Mimwe mitambo iriko neMuvhuro yakamira yakadai....

Simba Bhora vs Hwange – Wadzanai, Shamva,

Telone vs Highlanders – Bata, Gweru,

Bulawayo Chiefs vs Yadah - Barbourfields, Bulawayo,

NeBikita Minerals FC vs Dynamos – Sakubva, Mutare

Pari zvino FC Platinum ndiyo iri kutungamira makundano aya yakaenzana pamapoinzi manomwe neHighlanders asi iri pamusoro nezvibodzwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG