Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatendi Vanoenderera Mberi neKuungana muNzvimbo Dzisina Zvikwanisiro zveKudzivirira Kupararira kweChirwere cheCholera


Nhengo dzekereke yepositori dziri pagungano reEaster.
Nhengo dzekereke yepositori dziri pagungano reEaster.

Kunyange hazvo hurumende yakarambidza vatungamiri vemakereke kuita magungano munzvimbo dzisina mvura yemupombi nezvimbuzi zvakanaka munguva ino yezororo reEaster, vamwe vemakereke echipositori vanonzi havana kuteerera kurudziro iyi.

Mashoko atatambira kubva mumatunhu akasiyanasiyana emunyika anoratidza kuti zvinhu zvanga zvichingofamba semazuva ose kune vatendi vemakereke akawanda anonamatira panze.

Hurumende yakazivisa svondo rino kumusangano wemakurukota kuti bazi rezvehutano rinofanirwa kuongorora zvakasimba magungano evemakereke ichiti vanoda kuungana vanofanirwa zvakare kutanga vazivisa bazi rezvehutano, ichiti yatora danho iri senzira yekuderedza kupararira kwe cholera.

Dunhu reMashonaland Central, iro rinonzi riri kunetsekana nechirwere ichi icho chinonzi chabata matunhu madiki kana kuti ma districts ose ari masere, rakatodzika mutemo unomborambidza kuungana kwevemakereke vanobva kumatunhu akasiyanasiyana.

Gwaro rakaburitswa nemukuru wezvehutano mudunhu iri, Doctor Tshuma, rinoti vachabvumidzwa kuungana vachinamata zvenguva diki vagari vemunharaunda chete vachionekwa nemushandi webazi rezvehutano.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, uye vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatura tisati taenda pamhepo.

Asi nyanzvi mune zvehutano vari chiremba, Doctor Henry Madzorera, vanoti hurumende inonyanya kungotaura isingazooni kuti mitemo yainenge yadzika inozoteverwa here, izvo zvinozoita kuti vanhu vazoguma vave kuita madiro aJojina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG