Accessibility links

Breaking News

Sangano rePassenger Association Of Zimbabwe Rokurudzira Vatyairi Kuti Vasamhanye muMigwagwa muNguva Ino yeZororo reEaster


Vatyairi vari kukurudzirwa kuti vasamhanyise nekutyaira vakadhakwa kana kutyaira vakaneta.
Vatyairi vari kukurudzirwa kuti vasamhanyise nekutyaira vakadhakwa kana kutyaira vakaneta.

Mutungamiri wesangano rePassenger Association Of Zimbabwe, VaTafadzwa George Goliati, vari kukurudzira vatyairi vedzimotokari nemabhazi zvinotakura veruzhinji kuti vasamhanye kana kunwa zvinodhaka vari pabasa kuitira kuti vachengetedze hupenyu hwevafambi panguva ino yezororo reEaster.

VaGoliati vakurudzirawo veruzhinji kuti vamhan’gare kumapurisa kana vawona kuti vatyairi havasi kutevedzera mitemo yemumigwagwa.

Mumashoko avo kune veruzhinji panguva ino yezororo reEaster avaburitsa padandemutande re“X” iro raimbonzi Twitter, mukuru wemapurisa munyika, VaGodwin Matanga, vazivisa kuti vachange vachiwedzera huwandu hwemapurisa nguva ino kuitira kudzivirira kuparwa kwedzimhosva pamwe kudzivirira tsaona dzemumigwagwa.

"Tiri kukurudzira veruzhinji kuti vasakwire mota kana mabhazi anomhanya uye kuti kana izvi zvaitika vabate sangano redu kuti tikwidze nyaya dzkadayi kumapurisa kuitira kuti hupenyu zvevanhu huchengeteke kana vachifamba," VaGoliati vaudza Studio7 .

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo vatendi makumi mana nevashanu (45) vakashaya mutsaona yemumugwagwa yakaitika nemusi weChina kuSouth Africa mushure mekunge bhazi ravaive rabheuka nekubatira moto.

Zvinonzi mwana ane makore masere ndiye chete munhu akapona mutsaona iyi.

Vatendi ava vaibva kuGaberone, kuBotswana vachienda kugungano ravo ku St. Engenas Zion Christian Church kuMoria pedyo nePolokwane.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG