Accessibility links

Breaking News

United Nations Inoti Hurombo Huri Kuwedzera muZimbabwe


Zimbabwe Food Shortages
Zimbabwe Food Shortages

Gwaro repagore rinonyorerwa United Nations Development Programme kana kuti UNDP nenyanzvi dzinoongorora magariro evanhu munyika dzepasi rino rinoratidza kuti Zimbabwe yadzikira munyaya dzebudiro muvanhu.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri rinonzi Human Development Report 2023/2024 “Breaking the Gridlock: Reimagining Cooperation in a Polarised World,’ neChitatu muHarare , mumiririri weUNDP muZimbabwe VaAyodele Odusola vakati nyika zhinji dzinehurombo dziri kutatarika munyaya dzebudiriro mushure mekukanganiswa nechirwere cheCovid-19.

VaOdusola vakati panyika zana nemakumi mapfumbamwe nenhatu (193)dzakaongororwa mararamiro ari kuita vanhu zvichitariswa nyaya dzebudiriro, Zimbabwe iri pachinzvimbo chezana nemakumi mashanu nepfumbamwe kana kuti (159).

Vati, “Zimbabwe iri pachinzvimbo chezana nemakumi mashanu nepfumbamwe panyika 193 dzakaongororwa paHuman Development Indicator."

Vatiwo, "Ukaenzanisa neongororo yakapedzisira kuitwa, Zimbabwe yakadonha nezvinhanho gumi nezvitatu.”

Muongororo yakaitwa kubva muna 2021 kusvika 2022, Zimbabwe yainge iri pachidanho chezana nemakumi mana nematanhatu kana kuti 146 panyika dzakaongororwa.

South Africa iri pachinzvimbo chezana negumi (110) ukuwo Botswana iri pachinzvimbo chezana nemakumi mana (114).

UNDP inoti Zimbabwe ichine zvakawanda zvainogona kuita kusimudzira budiriro yevanhu kusanganisira kupedza nzara, kuva nezvipatara zvinoshanda nekugadzirisa nyaya yezvikwereti izvo zviri kuita kuti nyika isawane mari dzekunze kubva kumasangano anobatsira.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano re Labour, Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara inofanira kugadzirisa chimiro chayo. VaChitambara vati, ”Pane basa rakawanda rinofanirwa kunge richiitwa kugadzirisa matambudziko aripo arikuita kuti vanhu vakawanda hugaro hwavo neraramo yavo inge ieiri kuchinja.”

Vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika (Acting Director in Charge of Multilateral Affairs) mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLouis Chitima vati gwaro reHuman Development Report rakakosha zvikuru kuhurumende sezvo richibatsira hurumende mukutsvaka nzira dzekuunza hugaro hwakanaka.

VaChitima vati, “Gwaro iri inobatsira mune zviga zvinotorwa nehurumende."

Vatizve, "Sezvo gwaro iri richitarisa budiriro ye vanhu inopa hurumende mukana yekuti iwongorore zviri kunetsa nemikana iripo yoziva matanho ekutora.”

VaChitima vanotiwo shuviro yeZimbabwe ndeyekuti chero nyika dzichiva nemaonero akasiyana zvakakosha kuti dziite mubatira pamwe senzira yekusimudzira budiriro.

Gwaro reHuman Development Report rinotiwo nyaya yekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi yodzekera shure.

Sachigaro veWomen Coalition in Zimbabwe kudunhu reMidlands Amai Nozipho Rutsate vati zvisinei nezvibvumirano zviriko zvekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, izvi hazvisi kuitika sezvo madzimai ari kusairirwa shure munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Amai Rutsate vati, “Madzimai ari kuramba achishomeka munyaya dzekuti vaonekwe vachipinda musarudzo dzematongerwo enyika." Vaenderera mberi vachiti, "Tochitarisawo munyaya dzezvehupfumi hwenyika, madzimai haasi kuwanikwa achionekera.”

Gwaro reHuman Development Report rakatanga kubudiswa muna 1990. Gwaro regore rino rinoratidza kuti nyika ye Switzerland ndoiripamusoro munyaya dzekusumudzira hugaro hwevanhu ichitevererwa neNorway . Nyika dziripasi pasi dzinoti Somalia, ichiteverwa neSouth Sudan neCentral African Republic.

Gwaro iri rinotiwo nyika dzakawanda dzinehurombo hadzisati dzasimuka mushure mekukanganiswa nedenda reCovid-19.

Gwaro iri rinotiwo pane matambudziko makukuri anokonzerwa nekuti panenge paine budiriro isina kuenzanisa inosiya vamwe vari muhurombo hunotyisa.

Nyaya yekusawirirana munyaya dzezvematongerwo enyika ndeimwe iri kupa kuti paite mukaha pakati pevarombo nevapfumi ukure.

Forum

XS
SM
MD
LG