Accessibility links

Breaking News

Russia Inosunga Vanhu Vana Vanofungidzirwa Kuti Ndivo Vakauraya Vanhu Vanodarika Zana neMakumi Matatu


Mutungamiri weRussia, Vladimir Putin vachitaura kunyika yavo.
Mutungamiri weRussia, Vladimir Putin vachitaura kunyika yavo.

Mutungamiri weRussia, VaVladimir Putin, vati vawedzera matanho ekuchengetedza nyika yese, vakati Ukraine ine chekuita nekurwiswa kweimwe nzvimbo yaiitirwa konzati iri kunze kweMoscow izvo zvakaurayisa vanhu vanodarika zana nemakumi matatu nemusi weChishanu.

Vachitaura kumhuri yeRussia neMugovera, VaPutin vati mapurisa asunga vanhu vana vanofungidzirwa kuti ndivo vane chekuita nekurwiswa uku, avo vavati vanofungidzirwa kuti vaive vave kuedza kutiza vachienda kuUkraine.

VaPutin vati vanhu vana ava vari pavanhu gumi nemumwe vakasungwa vachifungidzirwa kuti vane chekuita nekurwiswa kwenzvimbo ine zvitoro pamwe neimba yekuitira mitambo yemimhanzi, yeCrocus City Hall.

Chikwata chinopfurikidza mwero cheIslamic State chekuAfghanistan chichishandisa madandemutande evachinodyidzana navo, chakati ndicho chaive nechekuita nekurwiswa kwakaitika Russia uku.

Kyiv yaramba zvakasimba kuti ine chekuita nekurwiswa uku.

Mumwe mukuru mukuru wevasori muAmerica audza sangano renhau reAssociated Press kuti vasori veAmerica vatenda kuti Islamic State ine chekuita nekurwiswa uku.

VaPutin vati zuva remusi weSvondo ratarwa sezuva rekuchema nyika yose.

Forum

XS
SM
MD
LG