Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa CheZimbabwe Chinoita zveMitambo, 'Mama Vee,' Omirira Nyika kuMusangano weMamiriro eKunze


Admire Mushambi uyo anozivikanwa nerekuti Mama Vee.
Admire Mushambi uyo anozivikanwa nerekuti Mama Vee.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoita mitambo yekufadza veruzhinji, Admire Mushambi, uyo anonyanya kuzivikanwa nerekuti Mama Vee, ari muNew York muAmerica uko akanga akamirira nyika kumusangano wekuzeya nezvemamiriro ekunze, uyo wakapera nemusi weChina.

Musangano uyu, uyo wakarongwa nesangano reBest Diplomats of United Nations, wakapindwa nevanoita zvemitambo vanobva kunyika dzakasiyanasiyana pasi rose.

Admire Mushambi - Mama Vee
Admire Mushambi - Mama Vee

Mushambi, uyo ane nhepfenyuro yake yepadandemutande inonzi 'Mhosva TV,' akawanawo mubairo weNational Arts Merit Awards (NAMA) achinzi ndiye akakwanisa kuita mitambo inotsetsa kana kuti skits, yakafadza vazhinji munyika gore rino.

"Handina kumbofunga kuti ndingawane mubairo uyu zvekuti handina kutomboenda kumabiko aya. Ndakazonzwa nevamwe kuti ndakange ndakunda vamwe, izvo zvakandifadza zvikuru," akadaro Mushambi muhurukuro neStudio7.

Mushambi anoti zvakakosha kuti vabereki vatsigire vana vavo vanenge vachida kuita zvemitambo sezvo zvave kubhadhara mazuva ano nekuda kwemadandemutande aveko akadayi seFacebook, YouTube nemamwewo.

"Vari kuita zvemitambo vave kutokwanisawo kuwana cheuviri sezvo zvave kubhadhara zvekuti munhu awane raramo inowuya nemari yekunze. Vabereki vane vana vane zvipo zvemitambo ngavavatsigire sezvo vanhu vave kukwanisa kuwana raramo mazviri," Mushambi aenderera mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG