Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nhasi vati nyika Zimbabwe neyeRussia dzicharamba dzichisimbaradza hukama hwadzo, zvisinei nekuti nyika dzekumadokero dzakatemera nyika mbiri idzi zvirango zvehupfumi.
Asi veAmerica vari kuramba kuti vakatemera nyika mbiri idzi zvirango asi kuti vanoita huori nekutonga nedemo.
Vachitaura nhasi muHarare pachiitiko chekugamuchira rubatsiro rwegorosi nemafotereza zvabva kunyika yeRussia, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatanga nekukorokotedza mumwe wavo, mutungamiri weRussia, VaVladmir Putin, nekukunda zvine mutsindo, musarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa kuRussia vhiki radarika.
VaMnangagwa vati, "Ndinoti makorokoto makuru kune mumwe wangu, VaPutin, nekukunda musarudzo.” Vaenderera mberi vachiti, “Nyika yenyu yakaita sarudzo dzakanakisa chose, dzakawanisa munhu wese mukana. Kunyange vamwe vachiti sarudzo yenyu haina kuitwa zvakanaka, zvisakutadzisei kufamba mberi."
Asi sarudzo idzi dziri kushorwa nevamwe vanopikisa munyika iyi nekunze dzichinzi dzainge dzisina kuchena sezvo vamwe vanopikisa vakarambidzwa kukwikwidza uye mutungamiri webato guru rinopikisa Alexei Navalny akafira mujeri mwedzi wapera paine fungidziro yekuti ainge aurayiwa nevasori. VaPutin vari kuramba kuti akaitwa kafiramberi.
VaMnangagwa vaenderera mberi vachiti kunyange varipo vari kuda kudambura nepakati, hukama pakati peZimbabwe neRussia, izvi hazvisi kuzoitika. Mutungamiri wenyika ati, "Nyika dzedu dziri mbiri dzakatemerwa zvirango zvehupfumi, asi izvi hazvititadzisi kufambidzana.” Vatiwo, “Ipapo unonzwa vamwe vachiti, ko imi sei muri kudyidzana? Isu tinongoti ticharamba tichifambidzana kusvika madhongi amera nyanga, nekuti tiri nyika dzakazvimirira"
Vachitaura pachiitiko chimwechete, mumiriri weRussia muZimbabwe, VaNikolai Krasilnikov, vavimbisawo kuti nyika yavo ichaita bhande nebhurugwa, neZimbabwe. VaKrasilnikov, "Russian icharamba ichipa rutsigiro rwayo kuZimbabwe, kwete munyaya dzezvekurima chete, asi nepese patinokwanisa napo.” Vatiwo, “ Tinovimbisa kuyi hushamwari hwedu hwemakore akawanda, hucharamba huchienderera mberi."
Asi mumwe wevavambi vesangano reAfrican Network for Democracy, rinoongorora nyaya dzezvehutongo hwejekerere, VaYoungerson Matete, vanoti havaoni chouviri chiogona kuwanikwa neZimbabwe, mukushamwaridzana neRussia. VaMatete, "Hupfumi hweRussia hwuri kudzikira chose, saka handioni Zimbabwe ichinyanya kuwana chouviri kubva mukubatana nenyika iyi.”
Vatizve, Tinozviziva kuti hukama hwenyika mbiri idzi hwakabva kare chose, uye ndizvo zvichiri kungoenderera mberi. Asi nemamiriro akaita zvinhu, handina tariro kuti nyika yedu ichapundutswa nehushamwari neRussia."
Russia nhasi yapa Zimbabwe gorosi rinosvika matani zviuru mazana makumi maviri nemashanu (25 000 metric tonnes) kuti ikwanise kurwisana nenzara yakatarisana nemamiriyoni evanhu muno.
Russia yatiwo yawedzera fotereza inokwana matani zviuru makumi maviri nematatu, kuti varimi vemuno vabatsirikane.
Mukuru wechikamu chinoona nezvekurima, nekupunduka kwemaruzeva, cheAgricultural and Rural Development Authority, VaIvan Craig, vanoti rubatsiro rweRussia urwu rwuchabatsira varimi vakawanda.
VaCraig, "Anokupa chikafu ishamwari yako. Gorosi rauya iri richabatsira zvikuru, nekuti vanhu vanokwanisa kubika bota, sadza chimodho, nezvimwe, vachirishandisa.” Vatiwo, “Izvi zvichaderedza huwandu hwechikafu chichadiwa kuti ruzhinji rweZimbabwe rwuyambuke nzara yarwakatarisana nayo. Zvimwechete nefotereza, ichabatsira varimi mumapindu avo."
Asi nyanzvi inowongorora nyaya dzematongerwo enyika, uye vari chipangamazano musangano reInternational Media Support, VaRashweat Mukundu, vanoti hukama pakati peRussia neZimbabwe, ndehwematsotsi. VaMukundu vati, "Senyika yakatarisana nenyika nenzara, hatingarambi rubatsiro rwabva kunyika yeRussia, kunyange kubva kunaani.”
Vatiwo, “Asi hurumende yedu ngaizive kuti nyika dzakaita seRussia hadzingoiti zvinhu zvakadai pasina chimwe chinangwa chikuru chavanenge vakatarisana nacho. Dzimwe nguva, vanenge vachida kushandisa isu saana Zimbabwe kuti vakunde hondo dzavo dzavanenge vainadzo, ndizvo vachiwirirana nenyika dzinotungamirwa nemapato akaita seZanu PF, kuti zvavo zviite."
Gore rapera, VaPutin vakavimbisa nyika dzemuAfrica dzinoti Zimbabwe, Mali, Somali, Central African Republic neEritrea chibage nefotereza. Izvi zvakaitwa kumusangano weRussia-Africa summit kuSt Petersburg, uko vamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vainge vachigunun’una kuti kurwisa kuri kuita Russia Ukraine ichiirambidza kutengesa gorosi nechibage kuAfrica zvainge zvokonzera nzara uye kudhura kwezvekudya izvi.
Forum