Accessibility links

Breaking News

Madzimambo Oyambirwa Kuti Asatendere Wanano yeVasati Vabvazera.


Teen Pregnancy
Teen Pregnancy

Madzimambo emunyika apiwa yambiro yekuti asabvumidza kuroorwa kanakuroodzwa kwevana vasati vabva zera sezvo izvi zviri kunze kwemitemo yenyika, uye zvichidzorera kumashure donzvo rekuchengetedza vana zvakanaka. Ukuwo, mamwe madzimambo anotiwo zvimwe zviri mumutemo wakavandudzwa weMarriages Act hazvienderani netsika dzechivanhu uye zvinobvisa chiremera chemadzishe. Kudzanai Musengi anotipa nyaya inotevera.

Yambiro iyi yabuda pamusangano wemazuva maviri watanga nhasi muBulawayo wekudzidzisa madzishe emunyika pamusoro pezviri mumitemo yenyika yewanano neyekugara nhaka.

Pasi pemutemo wakavandudzwa wewanano, madzimambo ave kubvumidzwa kupa magwaro ewanano pasi pewanano yekuroora kana kuroorwa mutsika dzechivanhu, kana kuti Customary Marriage muChirungu.

Mutevedzeri wasachigaro weLaw Development Commission, VaRex Shana, vaudza gungano iri kuti zvimwe zvezvakakosha ndezvekuti madzimambo anokwanisa kuroodzanisa vanhu kana chete agutsikana kuti vaviri ava vanenge vasiri pasi pemakore gumi nemasere, kuti hapana mumwe wavo anotori mune imwe wanano uyewo kuti havafanirwe kuve nehukama hwepedyo.

Vatsinhira kuti imhosva pasi pemitemo yenyika kuti madzimambo abvumidze wanano yevanhu vanenge vasati vabve zera vari pasi pemakore gumi nemasere.

Amai Vimbai Nyemba, munyori mubazi rezvemitemo, vati bazi ravo riri kuita chirongwa ichi zvichitevera danho rakatorwa rekuti madzimambo akwanise kuitisa wanano kumamisha. Amai Nyemba vati, “Madzishe ndivo vachengetedzi vetsika nemagariro edu saka vave kukwanisa kupa magwaro ewanano kumamisha; vanhu vose vanenge vakagarisana kumamisha pabadharwa roora nezvakadaro, icustomary marraiage saka madzimambo ave kubvumidzwa pamutemo kuti ape macertificate."

Vaenderera mberi vachiti, "Izvi hazvina kufanana nemuchato wekuchurch kana kwaMagistarte asi kuti madzimambo anobvumidzwa kuita izvi pawanano inoitwa netsika dzechivanhu. Hurumende ine donzvo rekuti vanhu vose munyika vakwanise kuwana zvose zvine chekuita nemitemo pedyo nekwavanogara, ndiko kusaka hurumende yakatora danho iri.”

Murwiri wekodzero dzevanasikana nevanhukadzi Kuda Kunze ano mukuru mukuru wesangano reWomen’s Association of Survivors, ati anofara kuti mitemo yenyika yanyatsojeka kuti vana vari pasi pemakore gumi nemasere havafanirwe kuroorwa kana kuroodzwa. Ati, “Izvi zvichabatsira kuti nyaya dzema child marriages dziderere nekuti kumamisha ndiko kune nyaya dzakawanda zdekuti vanasikana vanoroodzwa vasati vabva zera, kana kuti vari below 18. " Atiwo, "Ndinofara zvikuru kuti madzishe edu ari kuwana dzidziso iyi ine chekuita nemitemo yewanano nenhaka nekuti ndivo vanogara neveruzhinji. Izvi zvichabatsirawo zvikuru kuti kumbunyikidzwa kwevanhukadzi vanenge vafirwa nevarume vasawanikwa vachidzingwa pamisha yavo kana kutorerwa pfuma nezvimwe zvakadaro.”

Asi madzimambo ane chitsama ashora zvimwe zvezvinotarisirwa pasi pekuvapa masimba ekuti vaitise wanano kusanganisira kuti hazvina kukosha kuti vaviri vanenge vachida kuwanana vaunze vabereki vavo pamberi pedare, asi kuti vangounza chete vafakazi vavo avo vanogona kuve hama kana shamwari.

Ishe Chikwaka ndemumwe weavo vashora izvi vachiti zviri mumutemo hazvizi izvo zvakabvumwa nemadzimambo. Ishe ava vati, “Panoroodzwa patsika yechivanhu ndibaba vanoreva pfuma yavo kune ari kuroora, mwana wavo achitotanga abvuma kune madzitete kuti ‘hongu munhu uyu ndinomuziva uye ndinoda kuti andiroore."

Vaenderera mberi vachiti, "Naizvozvo isu takati ivavo ndivo vanofanirwa kuuya kudare pawanano yakadai kunze kwekuti kana baba namai vakafa ndipo pangazonzi dzimwe hama dzerudzi rwake. Zvino kana mutemo wacho wave kuti chero munhu zvake anogona kupa huchapupu pawanano yakadai hatichaziva kuti zviri kubva kupi.”

Mamwe madzimambo atiwo mutemo uyu hauenderani netsika dzechivanhu.

Mambo Mutasa vati zvakakosha kuti madzimambo asangomirirwa muSenate chete asi vavewo mudare reHouse of Assembly, umo vati ndimo munogadzirwa mitemo. Mambo Mutasa vati, “Ngatirwise kuti tiwane madzimambo anopinda mudare rehouse of Assembly nekuti ndiko kunogadzirwa mitemo."

Vatiwo, "Uku kuSenate kwatiri ndekwekungoisa zvidhindo pamitemo inenge yagadzirwa kare sezvatiri kuona nezvimwe zvezviri mumutemo weMarriages Act uyu. Zvakawanda hatina kubvimirana nazvo asi hazvichabatsiri kuti tizvirambe nhasi nekuti mutemo wacho watovepo. Chatingaita kuti tikurudzire kuti zvatisiri kuwirirana nazvo zvibviswe.”

Pamubvunzo wabvunzwa nevamwe wekuti mutemo weMarriages Act uyu haujekesi kuti munhurume haakwanisi kuwanana nemumwe munhurume kana kuti munhukadzi haakwanisi kuwanana nemumwe munhukadzi, VaShana vati bumbiro remitemo wenyika rinobudisa pachena kuti izvi hazvizi pamutemo.

Amai Nyemba vati vanonzwisisa kugunun’una kwemadzimambo pane zvimwe zvavanonzi vanokodzera kuita nezvimwe zvavasingakwanise kuita pasi pemutemo weMarriages Act asi vati izvi zvinogona kuzogadziridzwa muparamende vachiti chinhanho chavepo ndechekuti madzimambo azive kuti anoshanda sei panyaya yewanano pasi pemutemo uyu.

Mutemo wewanano wakavandudzwa muna 2022 asi wakambotora nguva uchizeyewa vamwe vachiti waive nezvakawanda zvisingaenderani netsika dzechivanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG