Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa neWorld Bank Kubatsira veMabhizimusi Akazvimirira Kuitira Kusimudzira Hupfumi hweNyika


Makambani akazvimirira asina kunyoreswa anonzi akawandisa muZimbabwe.
Makambani akazvimirira asina kunyoreswa anonzi akawandisa muZimbabwe.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti dzinobvumirana negwaro retsvakurudzo rakaburitswa nebhanga repasi rose reWorld Bank, iro riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ibatsire kusimudzira makambani akazvimirira akanyoreswa zviri pamutemo kuitira kuti asaguma avhara kana kuzoshanda zvisiri pamutemo.

Nyanzvi mune zvehupfumi vari muzvinabhizimusi, uye vakambotungamira sangano revemabhizimusi reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, Doctor Callisto Jokonya, vanoti ichokwadi chataurwa neWorld Bank kuti mabhizimisi anoda kubatsirwa.

“Anoda kutopihwa mukana wekuti anyatso kutosimuka, vabve pavari. And chinhu chinopa chimiro panyika ndoo mabizinesi e formalization. Saka akasabatsirwa nehurumende pachatova pakaoma,” vanodaro Doctor Jokonya.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvare Happiness Zengeni, vanotiwo zvakawanda zvisiri kuitwa nehurumende kuti isimudzire mabhizimisi achiri kusimukira.

“Tinoona kazhinjizhinji kacho hurumende inoshandisa mitemo yakaomarara isingakwanise kukombulaiwa nayo nevemabhizimusi achiri kusimukira. Saka you will have that high rate of informalisation iriko iyi zvino izvi. And chikuru kunyanya ndechekuti vanhu vari kupinda mumabhizimusi aya not kuti ma entrepreneur, but vari kupindawo nekuti vari kuda kurarama,” vanodaro Muzvare Zengeni.

Vanozviita mabasa emaoko vanonzi vawanda kunyange vasingabhadhare mitero.
Vanozviita mabasa emaoko vanonzi vawanda kunyange vasingabhadhare mitero.

Ukuwo, imwe kambani huru inochera chicherwa che platinum, yeZIMPLATS, yazivisawo kuti kutanga nhasi iri kukurudzira vashandi vanoda kusiya basa kuti vanyorese, ichiti yatora danho iri senzira yekuti ikwanise kuramba yakavhura kuburikidza nekugumura vamwe vashandi.

Kambani iyi inoti yamanikidzwa kuita izvi nekuda kwemitengo yezvicherwa yaramba iri pasi.

Kunyanga hazvo dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzichiti dzinowirirana nechikonzero chekuti kuderera kwemutengo we platinum pasi rose ndiko dambudziko, imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDevry University mudunhu reOhio muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zviri kuwedzerwawo nekusafamba zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

“Hongu tinogona hedu kuti isu titarise kuti aah, ndofunga zvicherwa izvi mitengo yazvo mhiri kwemakungwa kwazvinotengwa uku haina kunge yakanaka, asi ngatizive kuti zvatinogara tichitaura isu misi nenguva zviri kubata mbiradzakondo hupfumi hweZimbabwe zvakaita sekushaika kwemagetsi, zvinoita kuti mabhizinesi ose zvawo anoshandisa magetsi kana kuti anowana zvinhu kubva kwazvinogadzirwa zvinhu zvisafamba nemazvo,” vanodaro Muzvinafundo Masocha.

Kambani yeZIMPLATS inoti iri kukoka vashandi vanoda zvavo kugumurwa mabasa.
Kambani yeZIMPLATS inoti iri kukoka vashandi vanoda zvavo kugumurwa mabasa.

Saka matambudziko ari kukanganisa hupfumi hwenyika aya anga gadziriswa sei? Doctor Jokonya vanodzoka vachiti, “Vehurumende, vemabhizimusi, Ministry of Industry, Ministry of Finance, Ministry of International Trade inove Foreign Ministry, vanofanirwa kutogara nesu pasi vaone kuti toita sei? Nokuti zvechokwadi mabhizimisi chaiwo anga achi operator zviri pamutemo zvinoita kuti hurumende inogona ku collector tax yayo zviri nyore ari kutambura,”

Gwaro reWorld Bank iri rinonzi ‘Zimbabwe Country Private Sector Diagnostic,’ rakaburitswa svondo rapera, rinoti kuwanda kwemakambani asina kunyoreswa zviri pamutemo kunoderedza huwandu hwemari dzinosimudzira hupfumi hwenyika. Ukuwo, vemakambani akazvimirira vanoti zvinokonzera makwikwi asina kukodzera kune makambani ari kushanda zviri pamutemo.

World Bank inotiwo zvimwe zviri kukanganisa mabhizimisi akazvimirira zvinosanganisira kuoma nekudhura kunoita kutanga makambani pamwe nemitemo yekunyoresa mabhizimisi iyo yachembera.

Zimbabwe inonzi nebhanga repasi rose iri iri mukati menyika shanu dzepasi rose dzine vanhu vanozviitira mabasa emaoko vakawandisa, kana kuti highly informalised economies.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemaindasitiri, VaNqobizitha Ndlovu, kuti tinzwe kana paine matanho achatorwa nehurumende kugadzirisa dambudziko iri.

Asi zvayo World Bank inoti zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise zvimhingamipinyi izvi pamwe nezvimwe zviri kukanganisa hupfumi kana ichida kuti ikwanise kukohwa mugove uzere kubva kumakambani akazvimirira akanyoreswa zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG