Accessibility links

Breaking News

"Ini Ndiri Munhu weVanhu Mota Ndoidii?": Thomas Mapfumo


Thomas Mapfumo
Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira zvikuru munyika Thomas Mapfumo aramba mashoko ekuti akataura namuzvinabhizimisi anopomerwa mhosva dzekuita zvehuori Wicknel Chivayo kuti anopihwa motokari nemba akadzoka kumusha nekumira kushoraa hurumende.

Chivayo anoramba kuti anoita zvehuori chiti anozvishandira, Tayedz kumubata asi ange asiri kudaira nherembozha yake.

Mapfumo audza Studio 7 kuti zvekuti akabvuma zviri kutaurwa naChivayo ndezvemugotsi matsuro, “Hazvife zvakaitika, ini nekwandakatangira kwacho, motokari ndoidi?"

Atizve, "Ini ndiri munhu wevanhu handina basa nezvimwe zvese zvehupfumi zvekuti dai ndagara mumba yakanaka, zvandakapihwa nashe ndozvangu, handitore zvinhu zvevanhu... handikwanise kuti ndibire ruzhinji."

Mapfumo ati shuviro yake ndeye kuti varombo vagare zvakanaka. Ati chinofanira kukosheswa zvipatara zvisina mishonga.

Vamwe vaimbi vakapihwa motokari idzi ndiAlec Machesu, Jah Prayzah, Sandra Ndebele, Diana Samkange, Seh Calaz, DJ Fantan, Matthias Mhere, Sulumani Chimbetu, Andy Muridzo nevamwe.

Vatori venhau veZimpapers, Tinashe Chikuse naPhatisani Sibanda vakapihwawo motokari idzi.

Mwedzi mina yadarika, kambani yaChivayo yeIntratek Zimbabwe (Pvt) Ltd yakanzi nedare repamusoro reSupreme Court ipihwe mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemaviri kana kuti US$22 million nekambani yeZimbabwe Power Company ichinzi yainge yatyora chibvumirano chayainge yaita chekuvaka gwenya remagetsi ezuva kuGwanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG