Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Roparura Chirongwa cheChipiri Chekudonhedzera Vana Nhomba yeMhetamakumbo (Polio)


Bazi rezvehutano rakabatana neredzidzo, uye masangano anopa rubatsiro akaita seWorld Health Organization, United Nations Children’s Fund (Unicef), Bill and Melinda Gates Foundation (BMGF) neUS Centre for Disease Control (USCDC), richatanga nemusi weChipiri chirongwa chechipiri chekudonhedzera vana vari pasi pemakore gumi nhomba yekudzivirira chirwere chemhetamakumo kaba kuti polio.

Chirwere ichi chinouraya kana kukonzera hurema kana chisina kudzivirirwa.

Ichi chirongwa chechipiri munyika, chekutanga chemazuva matatu chakapera musi wa 23 Kukadzi uye vana vanodarika mamiriyoni mana nezviuru mazana matatu vakadonhedzerwa nhomba iyi.

Chiremba, Doctor Simbiso Ranga vanova chizvarwa cheZimbabwe vachishanda kuNorth Carolona muAmerica vakurudzira vanhu kuti vapihwe nhomba kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG