Accessibility links

Breaking News

Mauto neVakoti Votambiriswa Mihoro Ine Madhora Makumi Maviri US$20 Akawedzerwa neHurumende


Zimbabwe Currency
Zimbabwe Currency

Mauto nemapurisa atambiriswa madhora anonzi nevamwe makumi maviri kana kuti US$20 akawawedzerwa nehurumende pamwedzi pamari yemihoro yemazana matatu kana kuti US$320 avari kutambiriswa pachikamu chemadhora ekuAmerica.

Hurumende inoti pachikamu chinobhadharwa vashandi vayo nemari yemunyika, mari iyi inenge yoiswa pachikero chemari yekutenga kana kutengesa mari mumabhanga musi iwoyo kana kuti bank rate.

Munyori mukuru mubazi revevashandi VaSimon Masanga vakazivisa nezvemari idzi nemusi weChishanu vakati vachaburitsa zvizere svondo rino.

Tayedza kuvafonera asi nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Asi munori mikuru musangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions vati kuyangwe vasati vapihwa mari yavari kuda zviri nani pane kushaya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutungamiri werimwe sangano reProgressive Teachers Unions Doctor Takavafira Zhou vati zvakaitwa izvi kutambisa nguva kuteya nzou neriva.

Vati vari kutaura nevamwe varairidzi nevamwe vashandi vehurumende kuti votora gwara iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG