Accessibility links

Breaking News

VaJob Sikhala Vanonzi neSangano reNDWG Vambobuda muNyika Vachinorapwa Kunze


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Sangano reNational Democratic Working Group razivisa kuti mukuru waro, VaJob Sikhala, avo vaimbove mumiriri weZengeza West muparamende uye vaive nhengo yeCCC, vambobuda munyika vakananga kunyika yarisina kudoma uko rinoti vaenda kumbonotariswa hutano hwavo navamazvikokota .

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, VaDarlington Chigwena, vanoti sekuziva kweveruzhinji, VaSikhala munhu achangobuda mujeri uko vakagara kwenguva yakareba vachishungurudzwa vakarwa zvakare variko, nekudaro zvakakosha kuti vatariswe kana pasina kukanganisika kwehutano hwavo.

VaChigwena vanoti VaSikhala vanotarisirwa kudzoak munyika chero nguva kana vangopedzerwa. Vanotiwo kubuda munyika kwavo hakukanganise kufamba kwesangano reNDWG, vachiti iri isangano revanhu, rinotungamirirwa nevanhu.

VaSikhala vakagara kujeri reChikurubi kwenguva ingada kusvika kumakore maviri vakazoburitswa mujeri nematare akarasa dzimwe dzemhosva dzavaipomerwa uye kuvabhadharisa mari dzefaindi mune imwe nyaya mushure mekuwanikwa vaine mhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG