Accessibility links

Breaking News

Musangano weZimbabwe-USA Business Forum Unopetwa Pachisaniranwa Zvibvumirano


Vemabhizimusi vanga vachipinda mumusangano weZimbabwe-USA Business Forum muHarare.
Vemabhizimusi vanga vachipinda mumusangano weZimbabwe-USA Business Forum muHarare.

Musangano wezvemabhizimusi pakati peZimbabwe neAmerica, weZimbabwe-USA Business Forum, uyo wakaitwa kwemazuva mana, wapera muHarare vanamuzvinabhizimisi vemunyika nevekuAmerica vari pasi peAtlanta Black Chamber, vachisainirana zvibvumirano zvinomwe zvekudyidzana pamwe nekushanda pamwe chete, izvo zvinotarisirwa kusimudzira hupfumi wenyika.

Vachitaura mushure mekusainwa kwezvibvumirano izvi, mukuru wesangano reCEO Africa Roundtable, iro rakaronga musangano uyu, VaKipson Gundani, vati vanotarisira kuti zvibvumirano izvi zvichatanga kushanda munguva pfupi iri kutevera.

“Izvi zvichaita kuti nhengo dzemasangano edu dzirambe dzichdyudzana kusvika Tawana chouviri mukudyidzana ikoko.”

Mutungamiriri wechikwata cheAtlanta Black Chamber, VaRicardo Berris, vati kunze kwemakambani ekuAmerica asaina zvibvumirano, vanotarisira kuti kune makambani akawanda kubva kusangano ravo achuuya kuzosima mari muZimbabwe.

“Tichangotanga, Atlanta Black Chamber ine nhengo dzinodarika chiuru saka chibvumirano chatasaina nhasi chichadzibatsira padzinotsvaga mikana yekusima mari muZimbabwe.”

Vemabhizimusi vemunyika nevekuAmerica vachinyorerana zvibvumirano muHarare.
Vemabhizimusi vemunyika nevekuAmerica vachinyorerana zvibvumirano muHarare.

Mukuru wekambani inotengesa dzimba nemasitendi, yeRawson Properties, VaRichard Matengambiri, vaudza Studio 7 kuti vasaina chibvumirano chekushanda pamwe chete nekambani yeL Gabrielle Enterprises, uye vati izvi zvichabatsira zvikuru pakuwanisa vanhu dzimba munyika.

“Vachatibatsira kuti tikwanise kutsvaga mari kutitikwanise kupa vanhu dzimba dzakawandasaka zvakatikoshera, nekutibatsira zvakare kuti tishande tese vachitipawo ruzivo rwatisina muno muZimbabwe.”

Mukuru wekambani yeL Gabrielle Enterpises, Amai Lauren Levins, vati kambani yavo ichabatsira Rawson Properties kutsvaga mari kuAmerica yekusimudzira mabasa ekuvaka dzimba muZimbabwe.

“Kambani yangu ichabatsira kutsvaga mari kuAmerica yekuti kambani yeRawson ishandise pakuita mabasa ayo muZimbabwe.”

Mamwe makambani asaina zvibvumirano anosanganisira Tel-One neDandemutande, ayo asaina zvibvurano zvekusimbisa mabasa ehumhizha hwe Information and Communication Technology nekambani yeMI Group.

Mukuru weDandemutande, VaNever Ncube, vati chibvumirano chavasaina chichaita kuti vakwanise kutenga kuAmerica michina yekuvaka Data Centre kuguta idzva riri kuvakwa kuMt. Hampden, kusimudzira mabasa ekufambiswa kwemashoko nekuita bhizimisi pachishandiswa michina yechizvino zvino.

Zimbabwe-USA Business Forum, Harare
Zimbabwe-USA Business Forum, Harare

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, varumbidza kusainwa kwezvibvumirano izvi, zvikuru sei zvema ICT, vachiti ma ICT ndiwo mudonzvo hwehupfumi hwenyika uye zvichabatsira zvikuru mukuvandudza hupfumi hwenyika.

“Zvinoratidza kuti makambani akazvimirira ave kubatsira hupfumi hwedu munyaya dzemaICT.”

Musangano weZimbabwe-USA Business Forum uyu, uyo waitsigirwa nehurumende yeZimbabwe, wakapindwa navanamuzvinabhizimusi vakawanda vemunyika pamwe nevekuAmerica kubva Atlanta Black Chambers avo vange vari munyika kubva nemusi weSvondo.

Chikwata chekuAmerica ichi, icho chiri kutsvaga mikana yekusima mari mudunhu rekuchamhembe kwe Africa, chakaendawo kuSouth Africa chisati chauya muZimbabwe uye nhasi chasimuka chakananga kuZambia.

Musangano unotevera weZimbabwe-USA Business Forum uchaitwa kuAmerica muguta reAtlanta riri mudunhu reGeorgia muna Gumiguru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG