Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haichadzinge Vagari vekwaChitukuya kuMasvingo Papurazi Rayange Ichiti Vakazvigadza Zvisiri paMutemo


Vamwe vagari makumi mashanu vemuraini rekwaChikutuva nhasi va wanikwa vasina mhosva yekuzvigarisa paivhu rehurumende sezvo vachuchusi vasendeka parutivi mhosva dzavaivapomera zvaita kuti mutongi wedare reMasvingo Magistrate, Amai Elizabeth Hanzi vavasunungure .

Gweta revagari ava ranga richimirira sangano reComunities in Action Plartfom, VaMadock Chivasa vekukwa Dube, Banda and Nzarayedenga Partners vati vachuchusi varasa mhosva dzvanga vachipomera vagari ava zvaita kuti mutongi wedare vasunungure uye ati vakagara mumisha yavo zviri pamutemo.

VaChivasa vanoti vagari ava vanobva murudzinza remadzimambo aigara paMasvingo eGreat Zimbabwe, eMunhumutapa vakange vasina mhosva nekuti vakagara munzvimbo yemadzitataguru ava kubva makore mazana matatu apfuura.

Vati dare rawiriran navo kuti nzvimbo yavanogara hurumende yangaisina kuitara se State land nekudaro vawanikwa vasina mhosva.

Sabhuku Chikutuva, VaHenry Makusha, avo vaitungamirira vagari ava vati vanotambira zvabuda mudare nemufaro sezvo vange vasina kwekuenda.

Vanoona nezvebasa musangano reCAP, VaKudzai Mushave vati dare ratura mutongo wakanaka uye rakaoshesa kodzero dzevagari

Vanhu vanosvika zviuru zvitatu vakasungwa muna Ndira nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuzvigarisa paivhu rehuremnede zvirsiri pamutemo.

Vamwe vakawanda vakabatwa nemhosva kudare redzimhosva vakapuwa mutongo wekubva pavaigara kwemakore mazhinji kunyaynya vakatora minda munguva yehondo yeminda muna 2000.

Zvichakadaro vadzidzi vepachikoro cheGreat Zimbabwe University vari kuchema-chema kuti vave nesvondo vasina mvura mudzimba dzavanogara pachikoro izvo zvoita kuti vatyire kubatwa nechirwere che Cholera.

Vadzidzi vakaita saLeenos Munorweyi vanoti kushaikwa kwemvura kuri kukanganisa zvidzodzo zvavo apo vakabhdhra mari dzechikoro dzakawanda.

Vamwe vadzidzi vanoti vari kuswera vari mumaraini vachitsvaga mvura izvo zvoita kuti varasikirwe nedzidzo uye vave kushandisa masangano kunozvibatsira izvo zvinoitakuti zvirwerenzvi pararire.

Mutauriri weGreat Zimbabwe University VaAnderson Chipatiso vati vachiri kumbotsvaga zvizere kuti dambudziko iri rakonzera neyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG