Accessibility links

Breaking News

Madzibaba Ishmael neVamwe Vavo Vomiswa Pamberi peDare


Paul Nyathi -Police2
Paul Nyathi -Police2

Mukuru weJohane Masowe (Gore Jena Penyeranyika) Madzibaba Ishmael nevamwe vavo vanomwe vamiswa pamberi pedare nhasi kuNorton.

Dare rati richapa nemusi weMuvhuro mutongo waro wekuti vopihwa here kana kuti kwete mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vasere ava vakasungwa nemusi weChipiri kuNyabira. Mumashoko kuvatori venhau mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati mapurisa akawana makuva gumi nematanhatu pavanonamatira kusanganisira manomwe evana vadiki.

Vanhu vakafa ava vakavigwa pasina kusuma vebazi rekwamudzviti sezvinosungirwa pamutemo.

Mapurisa anoti pavana mazana maviri nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 251 vakawanikwa panonamatira Madzibaba Ishmael, mazana maviri nemakumi mana nevatanhatu 246, havana magwaro ekuzvarwa kana kuti birth certificates.

Vana ava vanonzi vanoshandiswa mabasa akaoma uye vasiri kuenda kuchikoro uye vakaendeswa kuchipatara cheParirenyatwa kunoongororwa nevanachiremba.

Forum

XS
SM
MD
LG