Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeAmerica Inoti Iri Kuferefeta Kambani yeBoeing Mushure meTsaona Dzine Chitsama


Boeing 737
Boeing 737

Kambani yeAmerica inogadzira ndege, yeBoeing, yakatarisana nematambudziko makukutu zvichitevera tsaona dziri kuramba dzichiitika ne ndege dzayo.

Gurukota reAmerica rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaPete Buttigieg, vanoti bazi rinoona nezvendege reFederal Aviation Administration richaongorora kambani iyi zvichitevera tsaona dzine chitsama dzairi kusangana nadzo, kusanganisira kudonha kwemavhiri, magonhi, nezvimwe.

Ndege yeBoeing 737 MAX yakadonha mugungwa reJava ndokuuraya vanhu zana nemakumi masere nemapfumbamwe kuIndonesia.

Muna 2019, ndege yeBoeing yainge yatengwa neEthiopian Airlines yakadonhazve ikauraya vanhu zana nemakumi mashanu nevanomwe.

Tsaona dziri kuramba dzichiitika idzi, dzava kukanganisa chimiro chekambani iyi munyaya dzezvemabhizimisi, zvikuru sei pamisika yemari, kana kuti Stork Exchange.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, vachidzidzisa paDeVry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zita rekambani iyi ravakusvibisa chimiro chenyika pasi pose naizvozvo hurumende yaona zvakakodzera kuti ipindire, igadzirise zvunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG