Accessibility links

Breaking News

World Bank Inoti Vanhu Vakawanda MuZimbabwe Vave Kurarama nezveKupihwa neveKunze


A man carries a full bag of donated maize grain, March 13, 2019, in the Mutoko rural area of Zimbabwe. Eastern Zimbabwe receives help to fight drought induced hunger, as a total of 32,000 villagers affected by drought in the Mutoko area. They received…
A man carries a full bag of donated maize grain, March 13, 2019, in the Mutoko rural area of Zimbabwe. Eastern Zimbabwe receives help to fight drought induced hunger, as a total of 32,000 villagers affected by drought in the Mutoko area. They received…

Kunyangwe vagari vakawanda mumadhorobha nekumamisha vari kuti nzara yapfunya chisero munyika, hurumende iri kuramba yakatsika madziro ichiti mumatura mayo mune chikafu chakakwana nekudaro hapana achafa nenzara.

Bhanga guru rinokweretesa mari reWorlld Bank raburitsa gwaro riri kutarisa matambudziko asangana nenyika dzepasi rino rikati muZimbabwe vanhu vave kutorarama nekupihwa zvekudya nemasangano ekunze anopa rubatsiro.

Izvi zviri kuuya panguva iyo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nehurumende yavo vari kuti hapana munhu achafa nenzara.

World Bank inoti zvapa kuti nyika itadze kugadzirisa dambudziko rayo kukundikana kushandisa zviwanikwa zvayo uye kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo kunze zvapa kuti isapihwe zvimwe zvikwereti.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvare Chenai Mutambasere vati vanowirirana nezviri kutaurwa neWorld Bank. Vati. "Zimbabwe haina mari yakakwana yekuti ikwanise kubhadhara zvikwereti izvi.”

Vaenderera mberi vachiti, “Koingakwanisa kubhadhara sei zvikwereti isu tisina kurima zvakakwana. Hatina kurongeka zvakakwana saka zvizhinji Zimbabwe inofanirwa kutenga kunyange chibage chaicho" mashoko aMuzvare Mutambasere.

Nhasi bazi rekurima rayambirawo kuti nekuda kwezuva nekurambira mudenga kwemvura, goho regore rino rinotarisirwa kudzikira nezvikamu makumi manomwe kubva muzana kana kuti 70%. Vamwe varimi vatarisana nedambudziko iri vagari vekuChiredzi.

Mumwe murimi wechidzimai Senzeni Simwango anogara mu ward 10 Gondweni Village kuChiredzi anoti kushanduka kwemamiriro ekunze kuri kukanganisa mabasa ake sezvo migodhi inoshandiswa pamadiridziro mumagadheni yave kupwa. Muzvare Simwango vati, "Nekuti mvura yave kupera kunyangwe mumugodhi imomu hamusisina mvura yave kutopera saka marimiro acho arikurwadza".

Mumwe murimi, Amai Mazhata vemumusha weTichadya kuChiredzi kwekare vaudza Studio 7 kuti vanorima mbesa dzetsanga diki asi nekuda kwekushaikwa kwemvura nekupisa kwakanyanya havasisina tarisiro yekukohwa.

Asi hurumende yakabatana nesangano reCare International muZimbabwe nemamwewo masangano muchirongwa chirikutsigirwa nemuzinda weGermany muZimbabwe inoti ine tarisiro yekugadzirisa matambudziko aya. Izvi zviri kuitwa pasi pechirongwa chinotarisa matambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze munharaunda kana kuti Community-Based Climate Change Adaptation Project.

Vachitaura ne Studio 7, mushandi mukuru anotungamira zvirongwa zvehurumende mubazi rezvekurima VaAbraham Mashumba vati vane chivimbo chekuti chirongwa ichi chichashandura hupenyu hwevanhu mumatunhu eChiredzi neBikita.

"Tinovimba kuti vachapinda mumatunhu maviri aya vachakwanisawo kushandura upenyu hwevanhu uye vashandisewo ruzivo rwechirongwa chedu chePfumvudza" Va Mashumba vanotsanangura.

Mushandi anoona nezvekufambiswa kwechirongwa ichi musangano reCare International mu Zimbabwe VaClayton Mafuratidze vanoti chirongwa ichi chichawanisa nharaunda idzi mikana yezvirongwa zvekukohwa mvura yemadiridziro nezvimwe.

Mumiriri weGermany muZimbabwe VaUdo Volz vanoti nyika yavo yakazvipira kubatsira Zimbabwe mukurwisana nenzara pamwe nemamwe matambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze. VaVolz vati, “Se Germany takazvipira kubatsira nyika dzakaita seZimbabwe nezvirongwa zvinotarisa matambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze"

Germany ndeimwewo yenyika dzine zvirongwa miriyoni vanoshaya munyika zvakawanda.

Chirongwa cheClimate Change Adaptation ichi chinotarisirwa kuitwa kwemakore mashanu anotevera chiine homwe yemari inodarika mamiriyoni matanhatu ema Euro kana kuti 6.6 Euros.

Hurumende nemasangano eUnited Nations inoti vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2,5 million vanoda chikafu kubva muna Ndira kusvika mukupera kwemwedzi uno.

Asi veFood and Agriculture Organization vanoti huwandu uhu hwawedzera neimwe imwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG