Accessibility links

Breaking News

R-B-Z Yotatarika Kuburitsa Gwaro reMamiriro eHurongwa hweMari seZvinotarisirwa paMutemo


Gavhuna veRBZ, Doctor John Panonetsa Mangudya. (Columbus Mavhunga/VOA)
Gavhuna veRBZ, Doctor John Panonetsa Mangudya. (Columbus Mavhunga/VOA)

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nenyanzvi mune zvemutemo dziri kuti kunonoka kuri kuitwa neReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kuburitsa gwaro remamiriro ehurongwa hwemari raichange ichitevera, kana kuti Monetary Policy Statement, hakusi pamutemo uye kunokanganisa zvakawanda munyaya dzemafambiro ehupfumi hwenyika.

Nyanzvi idzi dzinoti Chikamu 46 chemutemo weReserve Bank of Zimbabwe Act chinosungira gavhuna vebhanga guru renyika iri kuti aburitse gwaro iri kaviri pagore, muna Chikumi nemuna Zvita gore roga roga, asi iye zvino watowe mwedzi wetatu kubva muna Zvita wegore rapera pasina chati chabuda.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira bato rinopikisa reZimbabwe Coalition for Peace and Development Party, VaTrust Chikohora, vanoti zviri kuitwa nebhanga guru kutyora mutemo nekuti gwaro remari rinofanirwa kubuda nenguva yarinofanirwa kubuda.

"Zvinoita kuti vanhu vashaye kuziva kuti nyika iri kuenda kupi, zvikuru sei panyaya yemari nekuti ndoo nyaya iri kunyanya kunetsa. Zimbabwe dollar riri kudonha mazva ose zvinobva zvashaisa vanhu kuti vangaronga sei? Saka izvi hazviiti," vanodaro VaChikohora.

Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.
Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kunyange hazvo mutemo weReserve Bank Act uine nguva yakatarwa, zvagara zvichitoitika kuti gwara remari iri rinononoka kuburitswa makore akawanda.

"Saka kunonoka kuburitswa kweMonetary Policy Statement kunoita kuti mu economy, mu market, muve nekusagadzikana. Muve nema uncertainty," Doctor Chitambara vanodaro.

Ukuwo, imwe nyanzvi mune zvehupfumi vari munyori wezvemari nebudiriro yehupfimi mubato rinopikisa, reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, Doctor Tapiwa Mashaka, vanoti vanoona sekunge kunonoka kuburitswa kwegaro iri kuine chekuita nemamiriro ehupfumi hwenyika.

"Kunonoka kwekubuda kweMonetary Policy Statement yatakatarisira iyi zvine chekuita nemamiriro e economy. Hazvibatsire kuti vamhanye kuburitsa statement vasati vaongorora mamiriro e economy yacho nekuti zvavanogona kunge vachi analyzer zveMonetary Policy zvinogona kuitwa overtaken by events two days after, nokuti nnyaya ye exchange rate nenyaya yema prices iri kuchinjachinja," Doctor Mashakada vanodaro.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe vachitungamira kambani ye Bullion Group International, VaPersistance Gwanyanya, vanoti havaoni sekunge gwaro reMonetary Policy Statement iri ranonoka.

Vanoti bhanga guru rinofanirwa kunge rakatopedza negwaro iri kare uye rakatoriendesa kune gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, avo vavanoti vanogona kunge vachiri kuri kwenenzvera.

"Gavhena vaisungirwa kuti vange vapa Minister of Finance Monetary Policy Statement. But izvozvo zvinenge zvakatoitwa. Saka chiripo ndechekuti VaMthuli Ncube pamwechete neMinistry of Finance, vanenge vachimbotarisisawo Monetary Policy yacho," VaGwanyanya vanotsanangura.

Matanho akawanda ekudzikamisa hupfumi anonzi haasi kubatsira.
Matanho akawanda ekudzikamisa hupfumi anonzi haasi kubatsira.

Nyanzvi yezvemutemo uye vaimbove mumiriri weMount Pleasant muparamende, Muzvare Fadzayi Mahere, vakanyorawo svondo rapera padandemutande re X, iro raimbonzi Twitter, vachiti kunonoka kuburitswa kwegwaro iri kuri kunze kwemutemo.

Vakaenderera mberi vachiti gurukota rezvemari harina masimba ekuwedzera nguva yekushanda kwe Monetary Policy kudarika mwedzi mitanhatu inobvumidzwa nemutemo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube kana Gavhuna beRBZ, VaJohn Mangudya sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisiri kudarirwa.

Asi zvavo VaGwanyanya vanoti havaoni chinotadzisa gurukota rezvemari kuti ritore nguva yaro kukwenenzvera gwaro iri.

Monetary Policy Statement inonzi inobatsira kuziva kuti RBZ iri kutevera gwara ripi, uye zvikonzero zvipi zvakaita kuti ritore gwara iri, pamusoro pekuti veruzhinji vanofanirwa kuzivawo kuti gwara remwedzi mitanhau yapera rakashandawo sei?

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG