Accessibility links

Breaking News

Makambani ekuAmerica Ari muZimbabwe Kuyedza Kusimbaradza Nyaya dzekuDzyidzana


VaOswell Binha - Sachigaro weCEO AFRICA ROUNDTABLE
VaOswell Binha - Sachigaro weCEO AFRICA ROUNDTABLE

Musangano weZimbabwe- USA Business Forum watanga muHarare nhasi uchipindwa nemakambani akawanda pamwe nanamuzvinabhizimisi vakabva kuAtalanta, Georgia. Vanamuzvinabhizimisi vekuAmerica ava vari kutsvaga mikana yekusima mari yavo muZimbabwe nedzimwe nyika dzemuSADC


Vachitaura pakutanga kwemusangano wemazuva mana uyu, sachigaro vesangano reCEO Africa Roundtable, VaOswell Binha, vati musangano uyu wakakosha pakukurudzira kudyidzana pakati peZimbabwe neAmerica kwavati kwaderera.

Vari kutungamira chikwata chabva kuAmerica cheAtlanta Black Chambers, VaRicardo Berris, vati vauya kuzozvionera kuti zvinhu zvakamira sei muZimbabwe sezvo pasina ruzivo rwakakwana rungape kuti kudyidzana kuve nyore.

Mumiriri weZimbabwe kuAmerica, VaTadeus Chifamba, vati musangano uyu waratidza kuti makambani eku America akasununguka kusima mari dzavo muZimbabwe, vachiti kuderera kwekutengeserana pakati penyika mbiri idzi kwange kuri konzerwa nemanyepo anotaurwa nemamwe masangano enhau.

Vaenderera mberi vachiti kubviswa kwezvirango kune vamwe vakuru vakuru muhurumende nemakambani neAmerica svondo rapera kunotarisirwa kusimudzira kudyidzana.

America yakatemera vamwe vakuru muhurumende zvirango zvainoti hazvisi zvenyika yose asi vanotyora kodzero dzevanhu nekuita zvehuori.

Sachigaro wekambani yehurumende inoita zvekukoka vekunze kutanga mabhizimisi munyika, yeZimbabwe Investments Develeopment Agency, ZIDA VaBusisa Moyo vanoti vanoona sekuti kuderera kwekutengeserana pakati penyika mbiri idzi kwange kuri kukonzerwa nekurimirana kumuganhu kwenyika mbiri idzi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour, Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe ine mukana mukuru wevandudza kudyidzana kwayo neAmerica.

Chikwata chekuAmerica chiri munyika chiri kutarisa mikana munyaya dzekurima, zvicherwa, kuvakwa kwedzimba nemigwgwa nezvimwe uye CEO Africa Rountable, ZIDA pamwe Confederation of Zimbabwe Industries avanotarisira kuti nemusi weChina pachaisamwa zvibvurano zvakati kuti zvekufambidzana nekuita mabhizimisi pakati pemakamabi emuno neekuAmerica.

Vakafanoba chinzvimbo chegurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Dr Sithembiso Nyoni vakurudzira makambani emuno kuti atore mikana ichabuda paZimbabwe- USA Business Forum.

America ndiyo nyika ine hupfumi hwakakura pasi rese asi kutengeserana kwayo neZimbabwe kuri pasi zvekuti mukati memakore gumi apfuura, Zimbabwe yakatengesa zvinhu zvinokosha mamiriyoni mazana matanhatu chete (US$600 million iyo ichitenga zvinhu zvinoita mamiriyoni mazana mana emadhora ekuAmerica (US$400 million) panguva imwe cheteyo.

Muna 2022 na2023 pane makambani maviri chete eku America akanyoresa kuti anoda kutanga mabhizimisi muZimbabwe uye gore rino pave nemakambani matatu chete anyoresa kutanga bhizimisi munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG